Seed Co yakabatsira Copota

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Seed Co yakabatsira Copota VaSimbarashe Gotosa vanove Seed Co Area Sales Manager (kubva kuruboshwe), VaDean Muungani - Seed Co Head of Product Development, VaPhilip Matizanadzo Agricultural Extension Officer, Peter Chamisa Provincial Agricultural Extension Officer, RCZ Secretary Samson Shava naVaPascal Dzoro (vakagara) nevamwe varimi vaviri vari kutsigira VaDzoro.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KAMBANI huru pakuuchika mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, svondo rapera yakapa rubatsiro rwematani mashanu ehupfu kuchikoro chevana vanorarama nehurema, cheCopota School for the Blind, icho chiri kuMasvingo. Vachitaura pachiitiko ichi, Seed Co production and development manager – VaDean Muungani – vanoti kambani yavo yakapa rubatsiro urwu nedonzvo rekudzorera kunharaunda.

“Chikoro cheCopota takanzwa kuti chine vana vanosvika 450 vachinodzidzisa, kusanganisira mabasa emawoko uye vazhinji vavo vane matambudziko ekusaona. Rubatsiro rwunouya pano pachikoro kazhinji rwunobva muvanhu nemakambani uye masangano akasiyana-siyana. Kupa kwataita hupfu pachikoro pano tinovimba kuti kuchabatsira mukuderedza dambudziko rezvekudya,” vanodaro VaMuungani.

Vanoti Seed Co yagara ichisevenza neveruzhinji, naizvozvo zvakakosha kuti ipote ichipa rubatsiro kunharaunda dzainoshandira.

Pachiitiko chimwe chete ichi, Seed Co yakapa zvakare mumwe murimi wekuMasvingo uyo anorarama nehurema, VaPascal Dzoro, rubatsiro rwemombe mbiri nekucheresa chibhorani pamusha pake.

“Tava nemakore akawanda tiri mune zvekuuchika mbeu sekambani. Asi chinoita kuti tirambe tiri mubhizimisi iri inharaunda dzakatipoteredza munova mune vanhu vanofarira kurima mbeu dzatinouchika.

“Naizvozvo zvakakosha kuti tivarangarirewo nekutambanudza ruwoko rwedu kwavari kuburikidza nekupa kune avo vatinoona kuti vanoda rubatsiro. Kupa kunharaunda dzakatipoteredza nderimwe remabasa makuru atinokoshesa sekambani,” vanodaro.
VaMuungani vanoenderera mberi vachiti: “Pamusoro perubatsiro rwatapa kuCopota, taonawo zvakakodzero kupa VaDzoro rubatsiro nekuti zvisinei nekuti vanorarama nehurema, munhu anoramba achishingirira sababa vemusha kurima zvinogutsa mhuri yake uye kuendesa vana kuchikoro nemari inobva mukurima kwavanoita.

“VaDzoro muenzaniso wekuti hurema haufaniri kutitadzisa kuita zvatinoshuvira muupenyu, naizvozvo tiri kuvapa rubatsiro rwemombe mbiri dzekushandisa pakurima pamwe nekuvacheresera chibhorani pamba pavo kuti zvive nyore pakurima kwavo nekudiridza mumunda yavo.”

Copota School for the Blind iri pasi pechechi yeReformed Church of Zimbabwe (RCZ).
Vachitaura pagungano rimwe chete iri, RCZ education secretary, VaSamson Shava, vanotenda Seed Co nerubatsiro rwayakapa kuCopota vachiti hapafanire kuva nemusiyano pakati pevanhu vanorarama nehurema nevasina.

“Ndinotenda Seed Co nekukoshesa kwayaita chikoro cheCopota. Vana vedu vanoda kuchengetedzwa nekuratidzwa rudo kuburikidza nekuwana rubatsiro rwavawana rwechikafu urwu nekuti chishuviro chedu kuvaona vachikura nekuzoita mabasa akanaka. Zvose izvi zvinovapo kana vakura vari mumawoko akanaka uye vaine kudya kwakakwana nekuwana rubatsiro nedzidzo zvakakwana. Vana vanorarama nehurema ava vakatikoshera muupenyu hwedu nekuti vane zvimwe zvakawanda zvavanotikunda isu vasina hurema,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tarisiro yedu ndeyekuti kana vachiita zvidzidzo zvavo, vapote vachisangana nevanoona nekupinda mumakwikwi akasiyana-siyana vachiwana rubatsiro kwavari. Kune vamwe vabereki vane vana vasingaoni vanovati ngavasaende kuchikoro, isu tiri kuti huyai navo kuzvikoro zvedu zvakaita seCopota vawane dzidzo yakakwana nekudzidzira mabasa emawoko vagozowana raramo yakanaka mangwana.

“Chikoro cheCopota chakabura vazhinji vakaita mukurumbira kubva kuvadzidzisi, magweta pamwe nevaimbi vakaita sanaPaul Matavire (mushakabvu). Matarenda haana basa nehurema, chakakosha kuti mwana awane zvinomubatsira kuburikidza nedzidzo,” vanodaro VaShava.

Mukuru wechikoro cheCopota, VaSimbarashe Manjere, vanotenda Seed Co nerubatsiro urwu vachiti mamwe makambani anofanira kutevedzera mabasa akanaka seaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>