Seed Co yakapa hupfu kuchipatara cheBanket

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KAMBANI inouchika mbeu munyika muno, yeSeed Co, svondo rapera yakapa chipatara cheBanket Hospital nematani maviri nechidimbu ehupfu rinova danho rinotarisirwa kusimudzira zvikuru utano hwevarwere.

Vachitaura pachiitiko ichi, nemukushi wemashoko kukambani iyi, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti Seed Co inokoshesa kubatsira nharaunda dzainoshandira.

“SeSeed Co, basa redu kupa mbeu kunyika pamwe nekuona kuti nyika yawana chikafu chakakwana kuburikidza nekuuchika mbeu dzemhando yepamusoro. Kupa kwatiri kuita hupfu uku ndeimwe nzira yekugutsa nharaunda dzatinosevenzera uye tinoshuvira kuti nekufamba kwenguva tipewo zvipatara zvakawanda chikafu,” vanodaro.

“Zvipatara zvine matambudziko akawanda anosanganisira kushaya zvekushandisa zvakakwana sechikafu chekupa varwere.

“Isu seSeed Co, takwanisa kubatsira chipatara cheBanket nehupfu nekuti ndiro basa redu. Ichi chava chitsvambe kune mamwe makambani kuti apewo rubatsiro.

“Zvakakosha kuti makambani apote achibatsira nharaunda nevarimi vakapoteredzawo chipatara chino avo vanogona kubatsira nezvavanenge vawana muminda yavo zvinosanganisira miriwo, manhanga, chibage nezvimwewo.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, district medical officer mudunhu reBanket – Dr Terence Dandadzi – vanotenda Seed Co nerubatsiro urwu vachiti rwuchaderedza mamwe ematambudziko pachipatara ichi.

“Hongu tiri kuwana rumwe rubatsiro kubva kune mamwe makambani asi rubatsiro rwemhando iyi rwakakura. Hatina nguva yatinoti varwere havadi chikafu muchipatara. Izvi zvabatsira zvikuru nekuti nderimwe dambudziko ratopfuura,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nasachigaro weCommunity Health Council pachipatara ichi, Mai Jessica Tapfumaneyi, vachiti zvakakosha kuti vemakambani vasimudzire nharaunda.

 

Share This:

Sponsored Links