Seed Co yakapa mibairo

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Seed Co yakapa mibairo VaDenias Zaranyika (vechina kubva kuruboshwe) mushure mekutambidza Benard Murove (wechitatu kubva kuruboshwe) mubairo wake apo vamwe vaive vakatarisa.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VADZIDZI vekumakoreji nemayunivhesiti gumi avo vapinda mumakwikwi eSeed Co Zimbabwe ekuratidzira hunyanzvi hwavo hwekushandisa chizvino-zvino mumabasa anosimudzira nyaya dzekurima (innovative technologies) svondo rapera vakapihwa mibairo.

Kambani iyi yakaronga makwikwi aya ichishanda nesangano reBOOST Fellowship nechinangwa chekusimudzira hunyanzvi hune vadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti anoita zvidzidzo zvekurima.

Benard Murove wekuMidlands State University ndiye akahwinha mubairo wekutanga uye akaita ongororo yezvembeu kuti dzinogadzirwa sei kuti dzinge dzichipa murimi goho rakakura achibata zvekare nyaya dziri maringe nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Murove akaenda kumba nemubairo weUS$1 000.

Akateverwa naChiratidzo Charakupa uyo akaita ongororo yake nemumwe wake Steve Tadzoka waanofunda naye kuHarare Institute of Technology ndokuwana mubairo weUS$700.

Prince Muzimuka wekuLupane University ndiye akatora nhamba yechitatu uye akawana US$500.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaDenias Zaranyika vanova regional managing director kuSeed Co vanoti kambani yavo inoda kuramba ichifambirana neruzivo rwechizvino-zvino izvo zvakaita kuti ibatane neveBoost Fellowship nedonzvo rekusimudzira vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji mutsvakurudzo.

“Ruzivo rwechizvino-zvino rwuri kubatsira munyaya dzekurima uye kutsvaga misika mitsva muno nekunze. Tava kuwanikwa munyika dzakasiyana, donzvo redu riri rekuunza maguta kuruzhinji.

“Ongororo yaitwa nevadzidzi ava ichaita kuti tiwanikwe tichipunduka mubhizimusi redu rekurima. Vamwe vakaita ongororo yezvinoita kuti mbeu dziwore kana kupfukutwa mumatura, vamwe vakatsvakurudza nezvemakonye anetsa eFall Army Worm kuti angapedzwa sei vachiita ongororo mumarabhoritari vachiwana pundutso. Kana ruzivo urwu rwukashandiswa nemazvo, tinoona kurima kuchiita nyore tisingarasikirwi nemari,” vanodaro

VaZaranyika vanoenderera mberi vachiti, “Kushandiswa kweindaneti kunotibatsira zvikuru mukurima sezvo murimi achikwanisa kuita tsvakurudzo dzake dzingava dzembeu, zvekurimisa, mishonga, michina yekukohwesa, mishina yekufiritisa sora, kuona huwandu hwegoho kana kurasikirwa. Kurima kunosimudzira upfumi hwenyika apo zvinobvamo zvichikwanisa kutengeswa muno kana kunze zvichitiunzira mari yekunze,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links