Seed Co yobatsira kurwisa Covid-19

28 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Seed Co yobatsira  kurwisa Covid-19

Kwayedza

 

Muchaneta Chimuka 

KAMBANI huru pakuuchika mbeu munyika, yeSeed Co nemusi weMuvhuro uno yakatanga chirongwa chekubatsira vagari venzvimbo yekwaMandebvu, kuKamunda Farm – iyo iri pedyo nemuzinda wayo wekuStapleford, nekuvabaisa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Pasi pechirongwa ichi, vanhu vanoshanda neSeed Co – kusanganisira vatori venhau nevemunharaunda – vakabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira chirwere chanetsa pasi rose ichi.

Dr Edworks Mhandu, avo vanova Regional Managing Director weSeed Co, vanoti vakabatana nebazi rinoona nezvemari ndokutenga majekiseni 11 000 ayo vari kutarisira kubaya vanhu 5 500 muzvikamu zviviri.

“Vagari veMandebvu Compound ndivo vakatipoteredza pamuzinda mukuru wekambani yedu yeSeed Co, saka tinoti vakatikoshera zvikuru nekuti ndimo matinotora vashandi vedu vakawanda. Nekudaro kana tikasavadzivirira, nesuwo tinenge tiri panyatwa.

“Zvekare, munzvimbo iyi mune vanhu vakwegura vakawanda vanova vari panjodzi yekutapurirwa chirwere cheCovid-19. Takaisawo vatori venhau muchirongwa ichi kuti vadzivirirwe nekuti vanhu vatinoshandda navo nguva nenguva apo tinoita zvirongwa zvedu.

“Tiri kushanda nemachiremba ekuCIMAS ayo ari kubaya majekiseni aya,” vanodaro Dr Mhandu.

Mutauriri weSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti vari kuzadzikisa hurongwa hweHurumende hwekuona kuti munhu wose akakodzera kubaiwa ange achidzivirirwa kuitira kuti nyika ikwanise kurwisa Covid-19.

“Tinofara zvikuru nekuuya kwaita vanhu vemunharaunda yeSeed Co vachizodzvirirwa kuchirwere cheCovid-19 nehuwandu hwavo. Tiri kuvafundisa zvekare kuti vanofanira kupfeka mamasiki, kugeza maoko nesanitizer uye kuti vasaungane zvinova zvinobatsira mukuchengetdza upenyu hwavo,” vanodaro.

Chaunga chevanhu vanoodarika mazana matatu vakaonekwa neKwayedza vakaita mudungwe vakamirira kubaiwa majekiseni aya.

Mai Zaria Abraham (56) vanova mumwe wevagari venzvimbo iyi vanoti vakazvipira kudzivirirwa ivo nemhuri yavo.

“Ini ndiri munhu anotambudzwa nechirwere cheBp saka ndakatoudzwa nemachiremba kuti ndiri panyatwa huru yekutapurirwa chirwere ichi kana ndisina kudzivirirwa. Ndiko kusaka ndauya kuzobaiwa pano nhasi.

“Ndinotenda veSeed Co uye neHurumende nekutirangarira isu vakwegura,” vanodaro.

Mbuya Esther Kamutikaoma (60) vanotiwo vanokundikana kuwana mari yebhazi yekuenda kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nekudaro kuuya kwechirongwa ichi munharaunda mavo kwavarerutsira zvikuru.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey