Seed Co yobatsira zvipatara, zvikoro

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
Seed Co yobatsira zvipatara, zvikoro ZVIMWE zvaiitika paKwekwe Primary School neChipiri svondo rino apo chikoro ichi chakagashidzwa $5 000 neSeed Co

Kwayedza

KAMBANI huru pakuuchika mbeu zvemhando yepamusoro, yeSeed-Co Zimbabwe, nemusi weChipiri svondo rino yakapa rubatsiro rwematani mashanu eupfu kuchipatara cheKwekwe General Hospital ne$5 000 kuchikoro cheKwekwe Primary School.

Kugashidzwa kwerubatsiro urwu kuchipatara nekuchikoro ichi zvakaitwa pamabiko makuru ayo akaitirwa paKwekwe Primary School.

Vachitaura pagungano iri, gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMidlands, Cde Owen Ncube, vanotenda Seed Co nerubatsiro urwu.

“Tinofara zvikuru kuti kambani yeSeed Co yakwanisa kuzadzikisa chitsidzo chayakaita pazuva ratakamema munda wemutungamiriri wenyika President Emmerson Mnangagwa kuno apo managing director wekambani iyi, VaDennias Zaranyika, vakavimbisa kuti vachazodzoka kuzobatsira vanhu vemunharaunda ino.

“Nhasi vauya neupfu hwekubatsira varwere nemari yekutsigira dzidzo saka zvinokudzwa.

“Muzvipatara varwere vanokurumidza kupora kana vachinge vachiwaniswa chikafu chakakwana,” vanodaro.

Vanoti kuuchikwa kuri kuitwa mbeu neSeed Co kuri kubatsira nyika kuti inge ichitanda nzara, zvikuru muzvirongwa zveCommand Agriculture.

Kambani iyi zvakare yakabatsira chipatara cheKwekwe General Hospital nehupfu. Pachiitiko ichi, gurukota reHurumende rinomirira Midlands, Cde Owen Ncube, ndivo vaive muenzi anoremekedzwa. – Mifananidzo naNicholas Bakili.

“Mabasa etsitsi ari kuitwa neSeed Co akakosha zvikuru apo vari kubatsira vakwegura kumaruwa, varwere muzvipatara, nherera neshirikadzi.

“Izvi zvinoratidza kuti tiri nyika ine rudo uye ine vanhu vakabatana,” vanodaro.

Zvakadai, Cde Ncube vakapawo rubatsiro rwemarita 200 edhiziri kuKwekwe Primary kuti ishandiswe mukufambisa mabasa akasiyana.

VaCharles Munyoro, avo vanova Sales Manager kuSeed Co, vanoti donzvo rekambani yavo nderekuona varwere vachinaya muzvipatara kuburikidza nekuwana kudya kunovaka muviri uye kuzhinji kwekudya uku kunobva kuvarimi kuminda.

“Tauya kuzozadzikisa chitsidzo chatakaita, saka tapa $5 000 kuchikoro nematani mashanu eupfu kuchipatara cheKwekwe General Hospital.

“Hakasi kekutanga kambani yeSeed Co ichiita mabasa etsitsi. Mumakore apfuura, takakwanisa kubatsira zvipatara nemisha inochengetwa nenherera seHarare Central Hospital, Harare Children’s Home, St Manock’s Primary, Chitungwiza Central Hospital, Jairos Jiri Children’s Home, Kasipiti Children’s Home nekumwe kwakawanda uye tichiramba tichienderera mberi nekubatsira,” vanodaro.

Mukuru weKwekwe Primary School, VaJoseph Machingura, vanotenda rubatsiro urwu vachiti rwucharerutsira vabereki maringe nezvimwe zvinhu zvinodiwa pachikoro kuti dzidzo inge ichisimukira.

Dr Patricia Mapanda, avo vanova Medical Superintendent pachipatara cheKwekwe General Hospital, vanotendawo rubatsiro urwu vachiti rwuchavandudza utano hwevarwere.

Mayor weKwekwe, Kanzura Matenda Madzoke, vanorumbidzawo Seed Co nekudzorera kwairi kuita kunharaunda dzainodyidzana nadzo.

“Uhwu ndihwo hushamwari hwakanaka nokudaro tinoda kuti munzvimbo muno muve neResearch Centre yekuongororwa kwembeu yeSeed Co pachinzvimbo chekuti tinge tichingotenga mbeu bedzi. Izvi zvinobatsira mukumutswa kwemabasa uye kusimudzirwa kwenharaunda ino,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey