Uncategorized

Seed Co yodadisa kuMasvingo Show

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Seed Co yodadisa kuMasvingo Show Kubva kuruboshwe VaMusakanda, VaGotosa, VaMucharedzeyi naVaMagavu vekuSeed Co

Kwayedza

Bright Musakanda
KAMBANI huru pakuuchika nekutengesa mbeu dzemhando yepamusoro-soro, Seed Co, yakashura mare kuMasvingo Provincial Agricultural Show.

Varimi nevemakambani anotsigira mune zvekurima vakagutsikana kuti Seed Co ndivahosi panyaya dzekuuchika mbeu pamwe chete nekupa ruzivo rwekurima kuvarimi.

Pashow yegore rino, Seed Co yakanga yakasima zvirimwa zvemumabindu zvinoti rape yemhando yeRampart, hanyanisi necabbage pastand yayo. Varimi vakadzidza zvakawanda chose panhau dzekurima mbeu dzemumabindu.

Mukokwa mukuru paShow yegore rino, Masvingo Resident Minister, VaEzra Chadzamira, vakakurudzira kambani yeSeed Co kuti irambe ichiuchika mbeu dzinoshingirira muzuva nokuti dunhu reMasvingo harinaye mvura yakawanda.

VaSimba Gotosa (Seed Co Eastern Region manager) vakakurudzirawo varimi kuti vatange vaongorora kuti mbeu yavanoda kutenga zvingani zvakanaka zvavanowana kubva kwairi, kwete kungotenga zita.

Vakaenderera mberi vachiti goho rakanaka rinobva mukusarudza mbeu yakanaka yakaita seSC513, SC529, SC403 kana SC301 kana takatarisana nedunhu reMasvingo.

Share This:

Sponsored Links