Seed Co yodzidzisa varimi vemuriwo

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Seed Co yodzidzisa varimi vemuriwo VaMusakanda (Seed Co agronomist) vachidzidzisa varimi kunaka kwembeu dzeSeed Co dzakauchikwa.

Kwayedza

Godfree Magavu
RAKANGE riri zuva rezvidzidzo kuvarimi musi wa2 Chikunguru kumadiridziro ePanganai Irrigation Scheme, kwa Mambo Nhema, kuZaka.

Varimi vakange vakawanda vachisanganisira vePanganai Irrigation Scheme pamwe nevamwewo vasiri vemadiridziro vakange vachida kuzogoka mazano.

Chirongwa chezvidzidzo ichi chakarongwa nekambani inouchika mbeu, yeSeed Co yakabatana nebazi reAgritex. Mamwe mapazi anotsigira basa rezvekurima akaita seCARE Ensure, Food and Agricultural Organisation (FAO), agro-dealers pamwe nevarimisi vemunharaunda iyi vakange varipowo pakusimimwa kwemhando dzemiriwo yakasiyana-siyana.

VaPfuwai pamwe naVaMusakanda sevarimisi veSeed Co (agronomists) vaivapowo pazvidzidzo izvi pamwe nekuratidzira madyarirwo akanaka emiriwo (planting demo).

Varimi vakawana mukana wakazara wokubvunza mibvunzo yavaida sezvo nyanzvi dzezvokurima (vanaKORODODO) vainge vakaisa misoro pamwe chete, vakadzidza zvikuru maererano nekuparadzaniswa kwemitsara (inter-row spacing) pamwe nekuparadzaniswa kwemadzinde emiriwo (in-row spacing) zvinova zvinoita kuti mbeu dzisazorwira chikafu kubva muvhu (nutrients), mhepo yekufema pamwe nemushana.

Varimi vakadzidza mhando dzefetireza yepasi pamwe neyepamusoro yakakodzera kumurivo yavakadyara uye nguva yakakosha yekuisa mafetireza aya nezvipimo zvacho zvakafanira zvekare nemishonga yetumbuyu pamwe neyezvirwere inoshandiswa nenguva dzakakodzera dzekufirita.

Mhando dzemiriwo dzakadyarwa ndedzinoti   1. Brocolli – Montop variety inova yakadyarwa nefetireza yepasi Compound C pachishandiswa chipimo checup size number 22.

  1. Cauliflower – Space star variety
  2. Tomatoes – Daisy variety
  3. Rape – Rampart variety inova mbeu yeRape inoratidza kufarirwa nevarimi vazhinji panhau yekuita mashizha mahombe uye kutora nguva refu iri mumunda murimi achingoisa mari muhomwe dzake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>