Seed Co yofadza vemadiridziro

24 Sep, 2020 - 09:09 0 Views
Seed Co yofadza vemadiridziro Murimisi weSeed Co, VaGodwill Macherera vachifundisa vatungamiri veRuda

Kwayedza

Godwill Macherera

TINOKUKWAZISAI varimi nevaverengi mose muri kumativi mana enyika. Tinofara kusangana nemi svondo rino apo tinokurukura pamusoro pekutsivanisa mbeu dzedu (crop rotation) mumwaka yakasiyana-siyana.

KuSeed Co tine mbeu dzinokwanisa kuita kuti varimi vange vaine chirimwa muminda yavo kubva gore richitanga kusvika richinopera vachidiridzira.

Chikonzero chatinokurudzira varimi kuita izvi handi chimwe badzi asi zvizhinji. Izvi zvinosanganisira kuwanda kwemari kubva mukurima uye murimi anopedza gore rose mari ichipinda muhomwe yake, anochengetedza ivhu rake pamwe nekupfuma kwaro pakudya kwezvirimwa, uye anorerukirwa pakurwisana nezvirwere netumbuyu tunodya zvirimwa nesora.

Murimi anovawo nemukana wekushandisa ivhu kana munda wake zvizere uye zvinopawo vamwe vezera rinoshanda mukana wekuwana mabasa.

Muchinyorwa chino tichashandisa muenzaniso wembesa dzechibage dzinobva kuSeed Co cheyellow icho chinonzi nevamwe Kenya SC402 neSC608. Uyu muenzaniso chete asi dzimwewo mbeu seSC 301, SC 403, SC 513, SC 529, SC 555, SC 649, SC 659, SC 719 neSC 727 dzinopindawo zvakanaka mukutsivanisa mbeu uku. Apa tiri kudoma chiri chibage chichirimwawo muchando zvose nemuZhizha.

Zvino touya kumbeu yegorosi inorimwa munguva yechando. Gorosi vazhinji tinotenda kuti rinoda kurimwa nevane minda mikuru asi ndinoti kwete, chero ndima duku inorimika murimi ukatoita mari.

Mbeu dzegorosi dzinobva kuSeed Co dzinosanganisira SC Nduna neSC Select. Mbeu idzi dzakanakira pakuti hadzidhererwe nezvirwere, dzinoshingirira muzuva panguva paye pekuti magetsi aenda kana mapombi emvura afa uye dzinotorawo chinguva dzisati dzaomerwa. Asi chikuru ndechekuti mbeu idzi hadzichoneri mumunda kusvika pakutadzisa kudyarwa kwedzimwe mbeu muZhizha uye dzinoibva mvura isati yaturuka kureva kuti hunaku hwadzo mukushandiswa (quality) kumberi hauvhiringiki.

Baba Kent (kuruboshwe) nevamwe vavo veDzingayinhamo Co-operative vachiisa fetireza yeAmmonium Nitrate muchibage cheSC 402

Izvi dzinozviita dzichipa varimi goho repamusoro.

Baba Machingura vekuRudaviro cooperative vanopupura izvi vachitsinhirwa naBaba Kent vekuDzingayinhamo cooperative.

Baba Kent vanoyemurawo mbeu yechibage yeSC 402 vachiti muchando inochimbidza kuvapa mari vachiitengesa sechibage chekugocha. Chinofadza ndechekuti mumazuva mashoma vanenge votokohwa sezvo iri mumupanda weTsoko.

Vanoti pakutengesa, sezvo munda uchiibvirana, chibage chavo chinopera nenguva pfupi votopinda mugadziriro yechirimwa chinotevera.

VaKent vanoti vanofarira SC 402 pakushingirira muzuva nezvirwere uye negoho rayo.

Tobvunza kuti vaida kuzoisei muZhizha, varimi vanoti vaizodyara soya vachishara pakati pedzinobva kuSeed Co dzinoti SC Serenade, SC Safari neSC Spike chikonzero chiri chekuti dzine goho guru, hadzidhererwe nezuva kana zvirwere, dzinopa mukana mukuru dzisati dzoputikira mumunda uye haisare mumunda pakucheka nekuda kwekuti dzinotangira kubereka nechepamusoro peguni kwete kuti kwati muvhu.

Mukutsivanisa umu varimi vanogona kutoisawo mbeu dzemuriwo sekutaura kwaBaba Bepu vekuSabonabona kuKadoma avo vanodiridzira pachindima chidiki avo vaive nembeu yechibage yeSC 608 vachiti vaizokohwa vobva vadyara mbeu dzemuriwo dzinobva kuSeed Co.

Varimi ngatirambei tichizvichengetedza kubva kuchirwere cheCovid-19 nenzira dzakatarwa neveutano.

Makasununguka kundibata pa0772939308 kana vamwe varimisi veSeed Co vakatekeshera nenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey