Seed Co yopa mibairo kuvarimi

03 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Seed Co yopa mibairo kuvarimi

Kwayedza

Clemence Mucharedzeyi
AIVA makuwerere nemusi weChishanu vhiki rapera pashure apo Zimbabwe Agricultural Society (ZAS) yakatsigirwa nemakambani anosanganisira Seed Co pakupemberera kuhwina kwakaita VaMatingo mubairo wekutanga kuZAS.

Muyenzi mukuru  pachiitiko ichi aiva mukuru weBolt Gas, VaMathew Sibanda, avo vaakakorokotedza Mai Matingo vachikurudzira nyaya yekukwikwidzana mumashoo.

Dr A Masuka, avo vanova mukuru weZAS avo waiva nemukokwa mukuru wakakurudzira vemakambani kuti vaite zviyedzwa zvavo muminda kubva pakuongorora ivhu, kurima kusvika zvirimwa zvaibva.

Vakakunda wakawana mibairo yakawanda inosanganisira kurimirwa, mbeu nemishonga yekufirita kwemakore matatu. Mbeu yeSeed Co inova ndiyo yakarimwa nemurimi uyu pagore raakakunda yakauya nemubairo mukuru.

Mhemberero yakatangira kumunda apo mwana wawo musikana akatanga kutsanangura kurima kwavakaita mbeu yaiva mumunda gore rino. Kubva kuSeed Co vakarimawo mbeu dzinoti SC649 neSC529 dzinova mbeu itsva idzo dziri kukurudzirwa kurima.

Kumunda ikoko kwaiva naVaMasuka vanova mukuru we Zimbabwe Agricultural Society avo vanotsigira kurima kwakanaka uye kunaka kwembeu yaiva yarimwa gore rino. Vakakurudzira mhuri yakasara kuti varambe vachiita mabasa makuru aiitwa naVaMatingo.

Mukuru wedunhu reEastern Region kuSeed Co, VaSimba Gotosa, vanoti varimi kana vava kuda kurima mbeu dzine goho, mbeu dzinoti kana dai vakarima ndima duku asi vanokohwa zvinoita kuti vadye vachiguta uye imwe voendesa kunotengesa sekuGMB, ngavarime mbeu dzeSeed Co.

Murimi anoda kuziva zvinhu zvitatu pakunosarudza mbeu zvinoti kureba kwemuguri, kutetepa kwebungu zvoreva kudzama kwetsanga izvo zvinoita kuti goho rake rikure.

Murimi anoda kurima mbeu dzinoshingirira zuva, dziine goho rakakura uye dzichichimbidza kuibva.

Mukokwa mukuru VaSibanda, vakabva kukambani inogadzira michina yakasiyana-siyana, uye mumwe wacho wakagamichidzwa kumurimi semubairo wekugona kurima.

Vakakurudzira varimi kuti vadzidze kurima kwakanaka kubva pamusha paVaMatingo.

Vakaenderera mberi vachiti mugore riri kutevera, vanotarisirawo kuti varimi vakawanda wacharima uye kupindawo mumakwikwi ekuratidzira zvirimwa zvavo. Vakatendawo vamwe vabatsiri vaivepo.

Murimi akazotambidzwa mibairo yake iyo inosanganisira kurimirwa munda, kupihwa mbeu nemishonga kwemakore matatu, chigayo chekutonongora chibage.

Kubva kuna sahwira wemurimi Seed Co vakapihwa mudhudhudhu. Mubairo uyu uchavabatsira zvikuru pakuita mufamba nyore. Pakapembererwa zvikuru vanhu vakafara.

Kuti Seed Co ndokuti sadza nemurivo!

 

Clemence Mucharedzeyi murimisi weSeed Co kuManicaland. Anobatika panhare dzinoti 0773 525 355

 

Share This:

Sponsored Links