Seed Co yorumbidzwa

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
Seed Co yorumbidzwa Dr Gordon Mabuyaye (kuruboshwe) vanove Seed Co Global Lead Maize vachidzidzisa nhengo dzekomiti yedare reParamende inoona nezvekurima nezvembeu dziri kuuchikwa nekambani yavo.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KOMITI yedare reParamende inoona nezvekurima yorumbidza kambani huru munyaya dzekuuchika mbeu munyika yeSeed Co nebasa rairi kuita rekuuchika mbeu dzemhando yepamusoro izvo zviri kubatsira varimi kuti vawane goho guru.

Vachitaura apo vaimema muzinda weSeed Co unoitwa tsvakurudzo dzekuuchika mbeu nekuongorora zvirwere weRattray Arnold Research Station, mukuru wekomiti iyi – Cde Justice Mayor Wadyajena – vanoti kambani yeSeed Co iri kusimudzira mabasa ekurima zvakanyanya munyika.

“Ndinoda kupa kutenda kukuru kukambani yeSeed Co netsvagurudzo dzairi kuita munyaya dzekuuchika mbeu dzemhando yepamusoro dzinofambirana nenguva yatiri. Kuuchika mbeu dzinoenderana kunyanya nemamiriro ekunze ari kusanduka inzira yekuvandudza hupfumi hwenyika nekuti hwakagara huri mune zvekurima,” vanodaro.

VaDenias Zaranyika

Cde Wadyajena vanoti tsvagurudzo mune zvekuuchika mbeu pamwe nezvirwere muzvirimwa zvinobatsira zvikuru kuti varimi vawane goho guru.

“Tsvakurudzo mukuuchika mbeu sekuona kwataita sekomiti inobatsira pakuti murimi anokohwa maererano nekurima kwake. Izvi zvinoita kuti ruzhinji munyika rwugute uyewo zvakare kuti tikwanise kurima tichitengesa kune dzimwe nyika sezvo mbeu dzedu dzinenge dziri dzemhando yapamusoro,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Veruzhinji vachawana mabasa nekuti mbeu dzakasvika dzinoita kuti vakawanda vapinde mune zvekurima uye kurima kwedu kukasimba munyika zvinoita kuti vemamwe mapazi ehupfumi asimukire nekuti kurima kunobatanidza mapazi akawanda ehupfumi hwenyika.”

Justice Mayor Wadyajena

Vachitaurawo pagungano iri, managing director weSeed Co, VaDenias Zaranyika, vanoti kambani yavo iri kuenderera mberi nekuita tsvakurudzo yembeu dzinotirira muzuva pamwe nezvirwere zvakasiyana.

“Chinangwa chedu mutsvakurudzo idzi kuda kuramba tichiwedzera goho ratinowana pazvirimwa zvedu. Tinoda kuva nembeu dzinoenderana nemamiriro ekunze uye dzichipa goho rakakura. Tiri kuuchikawo zvakare mbeu dzinotirira kuzvirwere pamwe nezuva kuti tiwane pakuru kubva mune zvatarima. Takatsvaga mishina inoshanda yechizvino-zvino inongoenderana neiri kunyika dzakapfuma kuti tifambirane nenguva mukuita basa redu. Izvi zviri kutibatsira nekuti zviri kuderedza nguva yatinotora pakuuchika, pakubuda uye  nemhando yembeu yatinenge tichida,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>