Seed Co yosimudzira madzimai mukurima

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Seed Co yosimudzira madzimai mukurima Mai Mupfure (kuruboshwe) nevamwe varimi vechidzimai vachiteerera chidzidzo chekurima sebhizimusi kubva kumudhumeni.

Kwayedza

Wendy Madzura naRabson Musimudzirwa
KWAISADANWI anonzwa nemusi weChishanu 8 Kurume 2019 apo kwakaitwa gungano revarimi iro rakatsigirwa navasahwira wavo mukuru – kambani huru pakuuchika nekutengesa mbeu, yeSeed Co.

Gungano iri rakaitirwa pamunda waMai Cynthia Mupfure uri mubhuku raKatena, kuWard 7, kuChiweshe mudunhu reMazowe. Vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevanoraudza kubva kunzvimbo dzakatenderedza dzinoti Shopo, Shutu, Nyakudya, Jaji, Gunuhwi, Maodzwa, Kakora, Gweshe neNzvimbo vakaungana pachiitiko ichi vachicherechedza zuva reMadzimai takanangana nezvekurima.

Zuva iri rinocherechedzwa musi wa8 Kurume gore rega-rega.

Mai Mupfure, avo vanova chirikadzi, vakava mucherechedzo wemudzimai akarongeka uye anotora kurima sebhizimusi apo vakazendemura mahekita matatu nechidimbu avakarima mbeu yemandorokwati inouchikwa neSeed Co yeSC727.

Chakanyanya kukatyamadza vazhinji ndechekuti vakatokumbira vakabhadhara munda kuvavakidzani kuti hudzamu hwemunda wavaida hukwane.

Vakabhadharawo tarakita yokurima minda yavo yose vaine chenjedzo kubva kune vanoona nezvemamiriro ekunze pamwe nevarimisi veAgritex uyewo zvirongwa zvinoitwa pamhepo nemumapepanhau nekambani yeSeed Co.

Varimi vakawana nguva yokudzidza vari pamunda vachinzwa kubva kune nyanzvi dzeSeed Co dzechidzimai. Pakadzidzwa nyaya yokusarudza mbeu uye nzira dzakanaka pakurima dzinovandundza goho remurimi pachitorwa kurima sebhizimusi.

Pakurima kwavakaita, Mai Mupfure vakatsanangurira vanhu kusevenzesa kwavakaita mishonga yesora pamwe neyekuuraya gonye ranetsa rinovhara mwoyo wechibage nenhoko dzaro. Ukuwo madzinde aiva mumunda airatidza kusevenza pamwe nevarimisi kwavanoita nguva dzose uyo wakava mucherechedzo wakanaka.

Pamusha pakaratidza kuva pemurimi mukuru neruzhowa rwewaya yakarukwa pegedhe rinopinda motokari nezvikochikari, imba huru yemarata, huku nematanga akavakwa zvemhando yepamusoro nezvimwewo zvichiratidza simba remudzimai akazvipira kushanda. Iyi yakava kurudziro huru kumadzimai emazera akasiyana-siyana. Vamwe vavo vaitopupura kuti chokwadi, kurima zvine pundutso kwakanaka.

Aiva muyenzi mukuru pachiitiko ichi, mukuru anoona nezvekurima (Crop & Livestock) mudunhu reMashonaland Central, VaTapererwa, vakatenda vanhukadzi nokutora kurima sebizimusi. Vanotenda kambani yeSeed Co nokucherechedza madzimai vachiti chinhu chakakosha kwazvo.

Kambani yeSeed Co yakaburukira dunhu reChiweshe zuva iri vakatungamirwa nemukuru anotungamira bandiko rekumabvazuva, VaSimbarashe Gotosa, vanotungamira dunhu reHarare neMashonalnd Central, VaMasimba Kanyepi, chipangamzano pakurima Mai Wendy Madzura, nyanzvi yokushambadza nemishina yechizvino-zvino, Mai Nyaradzo Moyo, mushambadzi wembeu, VaStewart Zura, Abigail uyo anoita zvemiriwo kuSeed Co pamwe nemushambadzi wembeu kuMashonaland Central, Rabson Musimudziwa.

Pakauyawo vanoendesa mbeu muzvitoro kubva kukambani yeWiruma, VaMatimba ava vanoshandira  kuBindura pamwe namukoma Bornface avo vanoshandira kuGlendale.

Mudzimai wose akauya pazuva iri akawana mubairo wembeu mbiri kubva kuSeed Co pamhando dzinoti SC719 neSC649 (itsva). Vamwe varimi vanosvika zana vakawana mbeu yemhando yepamusoro yemuriwo werape inokwana 100g.

Pakazouya nguva yemubairo mukuru we*558#. Amai vakawana mubairi avo vakabva kwaMawonda vakasvetuka nemufaro apo vakahwina runhare rutsva rwerudzi rwesmart phone – iya yokutsvaira.

Pakupedzisira pakazadziswa chirevo chavakuru chinoti, ukama igasva hunozadziswa nokudya. Pakava nemachikichori, varimi vachidya nokunwira. Zvose izvi zvakaitwa nekambani inouchika mbeu zvemandorokwati yeSeed Co.

Nguva dzose rangarirai kuti, “KUTI SEED CO NDOKUTI SADZA NEMURIWO, KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU).

Wendy Madzura naRabson Musimudzirwa madhumeni ekuSeed Co. Sungukai kubata Wendy pa 0773 270 080 naRabson pa 0774 432 641

Share This:

Sponsored Links