Seed Co yosimudzira varimi

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Seed Co yosimudzira varimi Dr Masuka (kuruboshwe) avo vanova sachigaro weUniversity of Zimbabwe Council vachipakurira varimi ruzivo.

Kwayedza

Elizabeth Benjamin
MUNGUVA ino, anongova makuwerere kunzvimbo dzose munyika yeZimbabwe apo varimi vari kuratidzira zvirimwa zvavo kuburikidza nekuita mafield days.

Kambani inouchika mbeu zvine hunyanzvi, yeSeed Co, inofara kukumbana nevarimi avo vanofara  kuti mbesa dzavo dzakaita zvakanaka kunyangwe zvazvo mwaka uno mvura isina kunaya zvakanaka.

Nemusi wa29 Kubvumbi 2019 purazi reUniversity of Zimbabwe rakaita field day iyo yakaita mukurumbira mukuru. Varimi vakauya nehuwandu hwavo kubva kuBindura, Glendale, Mazowe neHarare uyezve vamwewo vemakambani akasiyana-siyana vakauyawo kuzotsigira nekufarira mutambo uyu.

Vepurazi reUniversity of Zimbabwe vakarima mbesa dzechibage dzekuSeed Co dzinoti SC727 neSC719 pamwe chete nesoya beans SC Serenade.

Kambani yeSeed Co yakabura mbeu itsva dzechibage gore rino dzinoti SC529 neSC649 idzo dzinoshingirira muzuva uye dzichipa goho repamusoro.

VaWalter Chigodora, avo vanova Commercial Director kuSeed Co, ndivo vaiva mukokwa mukuru pafield day yakaitwa paUnivesity of Zimbabwe Farm. VaChigodora vakayeudzira varimi kuti chokwadi kurima ibhizimusi rinotopa murimi mari yakawanda iyo yaanogona kutadza kuwana kana achishanda mamwewo mabasa kunze kwekurima.

University of Zimbabwe Acting Vice Chancellor, Professor Paul Mapfumo, vakarangaridza varimi kuti University of Zimbabwe ichiri nemukurumbira mukuru pakubika vana vepachikoro ichi zvemhando yepamusoro. Vakakurudzira varimi kuti varambe vachiendesa vana vavo kuUniversity of Zimbabwe.

Dr Masuka, avo vanova sachigaro vedare reUniversity of Zimbabwe Council, vakazivisa varimi kuti vashande nesimba kuti vasimudzire Zimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>