Seed Co yotsigira mbeu diki

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Seed Co yotsigira mbeu diki

Kwayedza

Bright Musakanda
KAMBANI yeSeed Co yakaita zvinorova kwaMambo Mapanzure, kuMasvingo, nemusi wa11 Kubvumbi pamusha paVaRatsauka apo paiva nemutambo wekudzidzisa varimi nekupemberera kurimwa kwembeu dzetsanga diki dzakaita serukweza nemapfunde.

Mutambo uyu wakarongwa neAgritex, Seed Co, Matobo Research naVaRatsauka uye wakanga wakatsigirwa naMambo Mapanzure vanova vaiva mukokwa mukuru, Senator Makwarimba naSeed-co Eastern region manager, VaSimbarashe Gotosa.

Vemasangano akazvimirira (NGO) vanosanganisira FAO neveZimbabwe Farmers Union vaivapowo. Vemabhanga nezvitoro vanosanganisira ZB Bank neFarm and City vakatsigirawo mutambo uyu zvine mutsindo.

Varimi vakatanga nekuenda kunoona kumunda nekudzidza vakatungamirirwa naVaRatsauka vanova ivo muridzi wemunda pamwe chete neveAgritex neMatobo Research avo vaiva vabva kuMatabeleland.

VaRatsauka vakatsanangurira varimi marimiro avakaita mahekita maviri erukweza urwo rwakanaka samara.

Mai Gono vanove Agritex officer (kubva kuruboshwe) vaina VaSimbarashe Gotosa (Seed Co eastern region sales manager), VaRatsauka (murimi aive akaunganirwa) naVaNyoka (Seed Co agronomist kuMasvingo)

Chidzidzo ichi chakatsinhidzirwa neveMatobo Research avo vakakurudzira varimi kuti vashandise mafetireza pakurima kwavo.

Vapedza chidzidzo cherukweza, varimi vakaenda kumunda wechibage wakarimwa SC 529 vakatungamirwa naVaMusakanda naVaNyoka. Kutaurirwa hunyimwa sembare dzokumusana, mumunda wechibage maiva nemashura zvisinei nekuti mvura haina kunyatsonaya zvakanaka mudunhu raMambo Mapanzure. Izvi zvakabva zvaburitsa pachena humboo hwembeu yeSC 529 hwekushingirira muzuva.

Kunyangwe Mambo Mapanzure vakapupura kuti havasti vamboona mbeu inoshingirira muzuva mudunhu mavo zvakadaro.

Dzimwe mbeu dzakanga dzakarimwa mune mimwe minda yakapoteredza dzisiri SC 529 aingova mashanga  chete asi iyo pamwe yaitopakata vana vaviri vaviri.

SC 529 mumazuva 135 inenge yatoibva uye inopa goho rinosvika matani 13 pahekita uye haingoshingiriri kuzuva chete, asi nekuzvirwere zvakaita segrey leaf spot nemaize streak virus. Seed Co inokurudzira kuti mbeu iyi irimwe kuRegion 2,3 ne4.

Nekuda kwekuti zuva rakanga ronyanya kupisa, varimi vakazonopedzisa zvidzidzo zvavo vagara pamumvuri pamusha paVaRatsauka. Eastern region manager weSeed Co VaGotosa vakapira mashavi okudzidzisa varimi nezvekurima zvekuti vasina kuuya vakarisikirwa.

Varimi vachidzidza nekuona munda werukweza

Vakakurudzira varimi kuti vashandise mishonga yekuuraya sora muminda yavo (herbicides) nokuti sora ndiro mhandu inodzikisa goho remurimi.

Vakakurudzira zvakare varimi kuti vatange vanzwisisa nezvembeu dzavanoda kurima kuburikidza nezvirongwa zvakaita seTalking Farming icho chinoitwa paZTV neChipiri kana mubepanhau reKwayedza vasati vaenda kunotenga mbeu kuzvitoro.

Vakazopedzisira vachiti chinonzi hurudza munhu ane hunyanzvi hwekurima sadza nemuriwo zvichireva izvo kuti murimi haafanirwe kurasikirwa nemari achinotenga matomatisi kana makabichi iye ari murimi. Semuenzaniso, mbeu yemuriwo yerape inongoda mazuva 24 kana kuti kabichi reFabiola rinongoda mazuva 65 murimi ototanga kutengesa kumusika zvichireva kuti murimi ange ava kuwana mari gore rose ichibva muzvirimwa zvakasiyana-siyana pane kungomirira kamwe chete pagore paanotengesa goho rechibage.

Mbeu dzese dzemumabindu dzinosanganisira rape yeRampart iyo yaita mbiri, kabichi reFabiola, Delight neCorton, matomatisi emhando yeDaisy, Akela, Candela neOasis, makerotsi, peas, gorosi, mapfunde zvinowanikwa kuSeed Co.

Senator Makwarimba vakaratidza mufaro nechirongwa chekudzidzisa varimi kurima ichi. Vakatenda VaRatsauka, veAgritex pamwe chete neSeed Co nekuvhura pfungwa kwavari kuita varimi. VaRatsauka vakatendawo kambani yeSeed Co nekutsigira kwayakaita nenguwani, chikafu nezvekunwa zvakadyiwa pamutambo uyu.

Mambo Mapanzure vakatenda varimi vemudunhu ravo nekuuya kwavakaita nehuwandu kumutambo uyu. Vakati kurima uye nekushanda pamwe chete nevarimisi ndiyo chete nzira inopundutsa dunhu ravo.

 

l Bright Musakanda murimisi weSeed Co uye munomubata pa0713 306 020

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey