Seke Road wave mutserendende

16 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
Seke Road wave mutserendende Mugwagwa waSeke

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAGARI vekuChitungwiza nedzimwe nzvimbo dzinosanganisira Seke vari kurumbidza kugadzirwa kuri kuitwa mugwagwa weSeke Road neHurumende uyo wanga washata zvekungova makomba-makomba izvo zvaikonzera kufa kwedzimotokari dzinoushandisa, tsaona uye kunonotsa veruzhinji nzendo dzavo.

Mugwagwa uyu mumwe wemigwagwa iri kugadzirwa pasi pechirongwa cheHurumende chekusimudzira budiriro munyaya dzezvivakwa cheEmergency Road Rehabilitation Programme (ERRP).

“Tinofara nekugadzirwa kuri kuitwa migwagwa yedu, zvikuru Seke Road uyo uri kunyatsokwenezverwa nekambani yeBitumen World. Makomba-makomba aya aimboponjesa nekuuraya motokari dzedu apera, uye tine shuviro yekuti kudai mumwe mugwagwa wedu unoenda kwaMachipisa nekuMbudzi Roundabout wagadzirwawo nekukasika mvura isati yaturuka nekuti waipisisa,” vanodaro VaMoses Yotamu vekuZengeza 4, kuChitungwiza.

Vanoti tsaona dzange dzawanda zvikuru mumugwagwa Seke Road, kunyanya paChinhamo nepedyo nepaZororo zvichitevera kuipa kwainge kwaita mugwagwa mukuru uyu.

Muzvare Alice Kuvheya anova director weChitungwiza Residents Trust (CHITREST) anoti kugadzirwa kwemigwagwa kwakakosha nekuti kunosimudzira budiriro yenyika.

Alice Kuvheya

“Tinofara zvikuru kuti vechidiki vakawanda, avo vaiswera mumabhiriji vachidhakwa nemitoriro, vava kuita vashoma nekuti panoitwa mabasa akadai, vanodevedzwawo vachipihwa mabasa zvichiita kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo nenzira dzakarurama.

“Migwagwa yakakosha munyaya dzebudiriro yenyika nekuti kufamba kunoita vanhu vachienda kumabasa kana mukuita mamwe mabhizimusi kunoendeka kana migwagwa yakanaka. Tsaona dzinoderera uye zvichideredzawo huwandu hwevanhu vanopihwa mibhedha muzvipatara nekuda kwenjodzi dzemumigwagwa,” anodaro.

Pari zvino Seke Road yagadzirwa kubva paCoke Corner kunoyambuka rwizi rwaManyame uye zvimwe zvikamu zvemugwagwa uyu zvichiri kugadzirwa.

Basa riri kuitwa rekuvandundzwa kwemugwagwa waSeke

Svondo rino vashandi vekambani iri kuita basa iri vanga vari mubishi kuisa mipendero yemugwagwa uyu uye motokari dzava kufamba mutserendende.

VaTinarwo Maurede vekuSt Mary’s kuChitungwiza vanoti vanokoshesa nyaya dzebudiriro.

“Tinotenda mutungamiriri wedu President Mnangagwa nekuti vane muono webudiriro. Migwagwa iri kugadzirwa tiri kuzviona nekuti yanga yatova nemakore anodarika 30 ichingovharwa nemavhu, motokari dzichipera kufa. Vane dzimota nemabhazi vanga vongobuda mari nekuti mamwe makomba emumugwagwa uyu aisava nyore kunzvenga, paunoedza kuanzvenga waibva wadhuma imwe motokari kana kubuda mumugwagwa.

“Tinofara zvekare nezvirongwa zvekuchererwa zvibhorani nekuti isu muSt Mary’s tatova nemvura iri padyo yakauya kuburikidza nechirongwa chePresidential Borehole Drilling Scheme. Mvura ndiyo upenyu, makore mazhinji adarika Chitungwiza yaigara ichichema nenhau yemvura apo vanhu vainochera kumatsime ane tsvina,” vanodaro.

VaMaurede vanoti vanotarisira kuti mugwagwa weSeke Road uchagara wakanaka kwenguva refu zvichitevera kugadzirwa kwauri kuitwa zvichifambirana nehurongwa hweVision 2030.

Share This:

Sponsored Links