Sekuru (16) anhumburisa muzukuru (14)

21 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Sekuru (16) anhumburisa muzukuru (14) Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUKOMANA anogara kuChitungwiza ane makore 16 okuberekwa amiswa mudare reko nemhosva yekupa pamuviri muzukuru wake wemakore 14 okuzvarwa mushure mekushereketa pavaiona mafirimu.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, VaBrighton Danana, vakapfuudza kumberi chirango chavaida kutemera mukomana uyu (postponed sentence) nechikonzero chekuti mupari wemhosva mudiki pazera.

Mukomana uyu akatongwa nemhosva yekupinda pabonde nemwana pasi pechikamu chemutemo weSection 70(1) (a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Muchuchisi Nomsa Kangara vanoudza dare kuti munaChikumi 2020, mukomana uyu akanogara pamba pagere mumhan’ari apo aiita zvidzidzo zvepazororo.

Zvisinei nekuti vaviri ava vane hukama, vakatanga kudanana.

Rimwe zuva nenguva dza8 manheru, vaiona mafirimu pachivhitivhiti muimba yekutandarira ndokuguma vashereketa.
Mwana uyu haana waakataurira nezvenyaya iyi.

Gure iri rakazofumuka apo tete vemumhan’ari vakavashanyira pamba apa vachibva vaona kuti mwana wehanzvadzi yavo uyu akanga aine dumbu rakura.

“Ndakabvunza mwana wehanzvadzi yangu kuti sei dumbu rako riri kukura kudai akati ari kunyanya kudya chikafu asi mhinduro yake haina kundigutsa izvo zvakaita kuti ndiende kunotenga kamuchina kanovheneka pamuviri ndichibva ndaona kuti ainge anapo.

“Zvisinei, akaramba achiti haana zvaanoziva uye achiti achiri mhandara kusvika ndazoenda naye pane imwe famasi iri pedyo vachibva vamuvheneka vakaona zvekare kuti ava nepamuviri. Ndipo akazobvuma kutiudza kuti akashereketa nekasekuru kake kadiki,” vanodaro tete ava mudare.

Vanoti nyakupara mhosva uyu vabereki vake vanogara kuSouth Africa ari kuita Form 3 apo mumhan’ari ari muForm 2 asi vabereki vake vachigara kumusha nekudaro vakazofonera vabereki vevaviri ava vachivazivisa nezvenyaya iyi.

Tete ava vakazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti mukomana uyu asungwe.

Vaviri ava vanobvuma kuti vari murudo uye vakashinha vose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey