Sekuru (67) vopepa varwere

05 Jun, 2023 - 15:06 0 Views
Sekuru (67) vopepa varwere VaFredrick Chinaka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUSHARUKWA ane makore 67 okuberekwa wekwaSabhuku Chinaka, kwaMambo Rusambo, kuRushinga, ari kuita mabasa makukutu ekubatsira varwere mudzimba munharaunda iyi.

VaFredrick Chinaka vanoti vave nemakore anodarika makumi maviri vachiita basa iri.

“Basa iri ndatova nemakore anorika 20 ndichiriita mushure mekudzidziswa nemasangano akasiyana anouya muno akabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana uye handinyari kana kubatsirana nemadzimai anenge achida kusununguka, kunyangwe varwere vepanhowo vechidzimai ndinovabvisa. Ndinotovabvisa tsvina muminapukeni yavo nekuti ndiro basa ratakadzidzira.

“Tinoshandisa mabhasikoro atakapihwa neHurumende kuti tikwanise kupinda muvanhu tichibatsirana navo,” vanodaro.

Sekuru Chinaka vanoti chirwere checholera ndiro dambudziko guru asi pari zvino munzvimbo mavo nyaya dzacho ishoma sezvo vakachererwa zvibhorani neHurumende nesangano reWorld Vision nevamwe vatsigiri izvo zvinoita kuti veruzhinji vave nemvura yemupombi yakachena.

“Ndinofamba ndichidzidzisa veruzhinji maringe nenyaya dzehutsanana uye utano. Tinovafundisa kuti vagare panharaunda pakatsvinda kuti vasabatwe nezvirwere. Kuti tikunde mukurwisa chirwere checholera, tinovapa mishonga yekuchenesa mvura iyo yatinopihwa neWorld Vision.

“Dambudziko rechirwere chemalaria ndiro guru muno, saka tinoshanda nenhengo dzebazi rezvekurima vepaTsetse Control Unit avo vanofirita mudzimba uye vaye vanenge vaine fungidziro yekuva nechirwere ichi tinovakurudzira kuenda kuchipatara,” vanodaro.

Sekuru Chinaka vanoti panhau yehutachiona hweHIV, vanokurudzira veruzhinji kuti vaende kunovhenekwa nguva ichiripo kuti vakwaniswe kupinzwa muchirongwa chekupihwa mapiritsi emaAnti-Retroviral Drugs (ARV).

“HIV ichiriko zvisinei nekuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nayo huri kuderera zvichikonzerwa nekuti vazhinji vakavhenekwa vakaonekwa vainayo vave kutora mapiritsi avo nemazvo nekudaro mikana yekutapurirana inobva yaderera. Munharaunda ino inoitwa mabasa mazhinji akadai seezvicherwa uye kupoya kunoita vanhu nepamuganhu weMozambique zvinoita kuti mikana yekutapurirana HIV iwande mukusangana kunoita vanhu.

“Tinobatsirana zvekare nevana vari muzvikoro vari kutora mishonga yemaARV tichitevedza kuona kuti vatora mishonga yavo nemazvo. Vamwe tinotoenda kunotorera mishonga yavo vari muzvikwata kuitira kuti vasarovhe kuchikoro nekukurudzira vachengeti vavo kuti vavawanise kudya kunovaka muviri nekuti hazvisi nyore kuti munhu atore mapiritsi asina kudya,” vanodaro.

VaChinaka vanoti vanopanga mazano kuvana vanenge vachishungurudzika mupfungwa, kusanganisira vanopihwa mishonga yemaARV asi vasingazive chinangwa chayo zvichienderana nemazera avo.

“Matambudziko atiri kusangana nawo sevapepi vevarwere mudzimba ndeekushaikwa kwezvekushandisa zvakadai semagirovhosi, mabhasikoro anoita kuti tifambire varwere nekuti atinawo asakara uye rutsigiro rwechikafu nekuti dzimwe dzimba idzo tinoshanyira varwere vanenge vasina kana pekutangira kuti vakwanise kuzotora mishonga yavo,” vanodaro VaChinaka.

Zvakadaro, sangano reNational AIDS Council (NAC) rinokurudzira kuti pave nemushandirapamwe wekurwiswa HIV kuitira kuti nyika ikunde muzvinangwa zvayo zvekurwisa denda iri panozosvika gore ra2030.

Share This:

Sponsored Links