Sekuru vakabata muzukuru (11) chibharo nekuda kwedivisi

17 Jan, 2025 - 00:01 0 Views
Sekuru vakabata muzukuru (11) chibharo nekuda kwedivisi

MHURI inogara kuUshewokunze, muguta reHarare – kumusha ichibva kwaSabhuku Sakhile Moyo kudunhu raMambo Nduku, kuZhombe – yopatsanurana nekukakavadzana nekuda kwenyaya yekubatwa chibharo kunonzi kwakaitwa muzukuru, panguva iyo aive nemakore 11 okuberekwa, nasekuru vake hanzvadzi yaamai senzira yekusimbisa mushonga wavo wedivisi rekurima.

Mwana uyu parizvino ave nemakore 14 okuberekwa.

Amai vemwanasikana akabatwa chibharo uyu, avo vane makore 36 okuberekwa, vanoti vaita dambudziko nehama dzavo dzinosanganisira amai nababa vavo nekuda kwekubatwa chibharo kwakaitwa mwana wavo anove dangwe nasekuru vake, hanzvadzi yavo.

Sekuru ava vanonzi vakabva vatizira kuSouth Africa mushure mekupara mhosva iyi.

Mudzimai uyu anoti vanasikana vake vaviri vaigara nevabereki vake kumusha kuZhombe uye vairambirwa naamai vake nekuda kwezvikonzero zvaisabuda pachena.

“Mwanasikana wangu ane makore 14 akabatwa chibharo nehanzvadzi yangu apo aigara kumusha nevabereki vangu kuZhombe uko amai vangu vanova sabhuku. Hanzvadzi yangu yabata mwana wangu chibharo mumwedzi waNyamavhuvhu mugore ra2022, akabva atizira kunyika yeSouth Africa uko asina kuzodzoka kusvika nanhasi,” anodaro mudzimai uyu.

Anoti nekuda kwekuti amai vake vairambira nevana vake vaviri vachiti vaida kugara navo kumusha sevazukuru, akatosvika pakurambana nemurume wake anove baba vevana ava nekuda kwenyaya iyi.

“Hanzvadzi yangu anonzi aituma vamwe vana kuenda kure apo aisara achibata mwana wangu chibharo uye anonzi akamubhinya kanokwana kuita kana. Anonzi aiita izvi kuitira divisi rekurima pamusha pedu izvo ndisingazive kuti aiva arangana nevabereki vangu here kana kuti aizviita oga nekuti airima zvakare,” anodaro mudzimai uyu.

Anoti kubva pakabatwa mwana uyu chibharo nasekuru vake, akangogona kutaurira munin’ina wake chete sezvo aitya kuburitsa pachena nyaya iyi uyewo nekunyara.

“Ndakazotora vana vangu nechisimba ndaona kusagadzikana kwemwanasikana wangu mukuru uyu mupfungwa ndokutanga kugara navo kuno kuHarare. Ndakaenda kune imwe chechi nekune imwe n’anga uko kwakabudira nyaya yekuti mwana wangu aiva akabatwa chibharo nehanzvadzi yangu senzira yekusimbisa mushonga wedivisi rekurima pamusha,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti akazobvunzurudza mwana wake pamusoro penyaya iyi apo akabuda pachena kuti akabatwa chibharo nasekuru vake.

“Nyaya iyi yabuda kudai, ndakazivisa dzimwe hama kusanganisira amai vangu, baba nemukoma wangu ari kuSouth Africa nevamwe vakawanda kuti ndizvo zvakaitwa mwana nasekuru. Amai vangu chaivo vakandipindura kuti ndozvawafunga here zvekusungisa mwana wangu? Baba vakanditiwo dai wauya kuno (kumusha) imwe nguva ndaikupa pfungwa dzakadzama. Mukoma vangu vari kuSouth vari kupopotawo nenyaya iyi vachiti haifanirwe kusvitswa kumapurisa saka hama dzose hapana achandida nekuda kwenyaya iyi vachiti ndiinyarare,” anodaro mudzimai uyu.

Anoenderera mberi achiti: “Handigone kunyarara nyaya iyi ndichimbunyikidza kodzero dzemwana wangu. Izvozvi mwana ari kuratidza kuvhiringika mupfungwa nekuda kwekubatwa chibharo uku.”

Mudzimai uyu anoti akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa emuHarare ndokuudzwa kuti inofanirwa kumhan’arwa kuZhombe.

“Ndakazomhan’ara nyaya iyi ndikanzi ndiende kukiriniki yekuMbare yeAdult Rape Clinic uko ndakaenda mwana akatariswa zvose akanzi akabatwa. Mapurisa vakanditi ndizoenda kumapurisa ekuZhombe kunomhan’ara nyaya iyi zvizere asi zvino handina mari yebhazi uyewo pekunorara handina sezvo hama dzose dzandiramba,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare Inspector Luckmore Chakanza vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

Mwanasikana uyu akataurwa naye neKwayedza akabuda pachena kuti akabatwa chibharo nasekuru hanzvadzi yaamai vake munaNyamavhuvhu 2022.

“Ndakabatwa chibharo nasekuru kanokwana ka4 vachizviita mumba magogo. Ndakangotaurira munin’ina wangu chete, ambuya nasekuru handina sezvo ndaitya. Ndinoda kuti sekuru vasungwe nemapurisa nenyaya iyi,” anodaro mwana uyu.

Mwana uyu ari kuita Form 2 uye anonzi adzikira zvikuru muzvidzidzo zvake nekuda kwekubatwa kwaakaitwa chibharo.

 

Share This:

Sponsored Links