Uncategorized

Sekuru vopindira muzukurusikana . . .

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

‘Ndiri musvo here?’

Tatenda Shuro
MUZUKURUKADZI akamhan’arira sekuru vake kudare achiti vane katsika kekumupindira mumba make apo anenge ari musvo uye haasi kudya rinopisa sezvo vari kugara vachinetsana nekuda kwesitendi yemba.

Spiwe Mapfumo akaendesa Kamvura Kudakwashe kuHarare Civil Court achida dziviriro.

“Mambo wangu, sekuru ava ndakavachengeta kwenguva yakareba ndokuzopfekerwa kuti vagare pasitendi yangu ndikanotaurira vedzimba ndokunditi ngatimirei tione vari kuvaka ndokuona vari ivo. Iko zvino ndave kuti ndikasima chinhu, vanobva vachidzura,” anodaro.

Anoti anoda kuti Kamvura abviswe pasitendi iyi.

“Ngaadzingwe zvake murume uyu, ndaneta. Anondipindira mumba ndisina kupfeka.”

Kamvura anoramba kuti ari kushungurudza muzukuru wake.

“Kana iri nyaya yemasitendi, ndakatopihwa padivi pavo, chero ivo vanopa dzimba vakatombouya kaviri vakangoti chingogarai magariro amakaita iwayo. Zvino muzukuru wangu anoramba achinditi ndakapfekerwa munzvimbo yake?” anodaro. Anoti kana akadyara mbambaira dzake, muzukuru wake anodzidzura.

“Muna Kukadzi, pandainge ndodyara mbambaira, vakauya ndokudzidzura ndokundipfira mate kumeso zvinova zvakandibata-bata ndikazongovasandudzira nokuti vakazviita kaviri uye vaigarotukana nemudzimai wangu,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mapfumo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>