Selmor otunzvaidzwa

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Selmor otunzvaidzwa Selmor Mtukudzi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-Jazz Selmor Mtukudzi orumbidzwa zvikuru nebasa raari kuita rekushanda nevamwe vaimbi vari kusimukira uye akasarudzwa kuve mumwe wevachapinda mumakwikwi eOld Mutual Amazing Voices.

Makwikwi aya achaona vaimbi kubva kunyika dzinoti Zimbabwe, South Africa, Ghana neKenya vachiridza misambo inosanganisira chitendero, RnB neAfro-pop.

Muimbi achakunda vamwe vose achapihwa mari inosvika US$100 000 uye kutanga gore rinotevera makwikwi aya achange ave kuburitswa paDSTV.

Mutauriri weMultichoice Zimbabwe, Liz Dziva, anoti Selmor ari kubatsira zvikuru mukushanda nevaimbi vari kusimukira kuburikidza nechirongwa cheOld Mutual Amazing Voices.

“Selmor ange achibatsira zvikuru apo tange tichiita gadziriro dzedu dzeOld Mutual Amazing Voices tichitsvaga vamwe vaimbi avo tiri kupa mukana wekusimukira nechirongwa ichi,” anodaro Dziva.

Selmor anotiwo, “Basa rangu ndange ndichishanda kusarudza zvikwata zvemuno, ibasa guru uye rinombovhundutsa mbichana.”

Anoti akashamiswa zvikuru kuona zvikwata zvakawanda zvichibva kuBulawayo zvichiuya kuzokwikwidza mumakwikwi aya pane zvemuHarare.

“DSTV ine vanoitevera vakawanda muAfrica yese saka ndinoziva kuti isu sezvizvarwa zvemuZimbabwe tinofanirwa kutora mukana uyu toushandisa.

“Zvinotibatsira kurakidza tarenda riri muno kwete muZimbabwe chete asi kuAfrica yese, zvichitaridza kuti tiri vanhu vakanaka sei uye nekunaka kwenyika yedu,” anodaro.

Selmor parizvino ari mushishi kubika dambarefu rake rechitanhatu iro achaparurwa gore rinotevera nemusi wa31 Ndira uye rakabikwa naSteve Dyer.

 

Share This:

Sponsored Links