Kwayedza
Abel Ndooka
CHIKWATA cheSenegal ndicho chaita chekutanga chemuAfrica kuenda kuRound of 16 yemakwikwi eWorld Cup zvichitevera kukunda kwachaita Ecuador 2-1 manheru ano.
Kuhwina uku kwaona Senegal ichipedza iri pechipiri muGroup A iine zvibodzwa zvitanhatu kubva mumitambo mitatu yayatamba pari zvino kuQatar.
Mumutambo wawo wekutanga, yakakundwa 2-0 neNetherlands, ndokuzokunda Qatar 3-1 uye 2-1 nhasi apo yakunda Ecuador.
Chikwata chaAliou Cisse chichasangana neEngland muround of 16.
...