Shalie Lipp ashaya

10 May, 2023 - 17:05 0 Views
Shalie Lipp ashaya Shalie Lipp

Kwayedza

MUTAMBI weMMA, Shalie Lipp uyo anga ava nemakore 21 okuzvarwa akafa mushure mekuita tsaona yemotokari inotyisa kwangosara mazuva mashoma apo anga achitarisirwa kurwa mumutambo mukuru.

Mugari weColorado ainge akatakurwa mune imwe mota iyo yakabonderana neimwe motokari mumugwagwa weInterstate 94, kuMinnesota, mangwanani emusi weSvondo.

Aive ari mumotikari inonzi 2015 Chevrolet Malibu, iyo yaityairwa nemurairidzi wake Joseph Trottier (35), wekuWest Fargo, apo motikari yake yakaita tsaone neJeep Cherokee ya2017 pazambuko reRed River nenguva dza11.30am musi weSvondo, sekutaura kunoita mapurisa eMinnesota State Patrol, kuburikidza neValley News Live.

Lipp ndiye oga aive mumotokari mbiri idzi aive asina kusunga bhande rekuzvichengetedza (seatbelt) uye Trottier nevamwe vanhu vatatu vaive mutsaona inotyisa iyi vakabuda vasina kukuvara, izvo zvaive zvakanyorwa pachinyorwa chetsvakurudzo yetsaona iyi.

Tsaona ichiri kuongororwa.

Trottier akatumira mifananidzo yevaviri ava vachishanda pamwe chete vachiita gadziriro dzavo paInstagram apo aiyeuka Lipp zvichitevera kufa kwake kunorwadza.

Shasha yechidiki iyi yange ichitarisirwa kurwa naNatalie Gage mumutambo mukuru pamutambo weIgnite No Mercy 11 kuKent Freeman Arena, kuDetroit Lakes, musi wa20 Chivabvu.

Svondo radarika, aishambadza zvikuru mutambo uyu papeji rake reInstagram, apo akatumira mavhidhiyo ari pakati pekuita gadziriro dzake. – SportsMail MMA

Share This:

Sponsored Links