‘Shandai nesimba’

23 Sep, 2021 - 12:09 0 Views
‘Shandai nesimba’ Felistas Kwangwa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenetball wechikwata chenyika chemaGems uyo anovazve kaputeni — Felistas Kwangwa — okurudzirwa vamwe vatambi kuti vashande nesimba vagowana mikana yekutengwa nezvikwata zvekunze izvowo zvinosimudzira mutambo uyu.

Achitaura nguva pfupi yadarika apo paiparurwa ligi reNetball Premier League, Kwangwa — uyo anotambira zvakare chikwata cheSurrey Storm chekuEngland uye ari muZimbabwe pari zvino sezvo ari pazororo zvichitevera kupera kwakaita mitambo yekunyika iyi — anoti vatambi vazhinji muno vange vachishushikana nekungogara kwemakore maviri vasina kumbotamba netball nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Asi anoti kudzoka kwakaita mutambo uyu kuchabatsira hupenyu hwavo.
“Makore maviri ange achiremera zvikuru kuvatambi venetball kungogara izvo zvakakonzereswa neCovid-19. Vatambi vedu vanoraramiswa nemutambo uyu.

“Asi tine mufaro mukuru nekuparurwa kwaitwa ligi rePremier Netball League iro tinovimba kuti richasimudzira vatambi vazhinji nekubatsira kuti vagowana mukana wekuenda kunotambira kunze kwenyika zvinongoitwa nevatambi venhabvu vazhinji,” anodaro.

Anoti ari kutarisira kudzokera kuEngland munaGimiguru kunotanga gadziriro dzake dzemwaka wechipiri wenetball kuSurrey Storm.

Mwaka weNetball Super League kuEngland unotanga munaKukadzi ichizopera munaChikumi.
Kwangwa anoti mumwaka wake wekutanga kunyika iyi, akadzidza zvakawanda zvikuru.
Anokurudzira vamwe vatambi kushanda nesimba kuti vagowana mikana yekuendawo kunotambira kunze kwenyika sezvaari kuita.

“Kusvika pandave iye zvino, zvinoda kushanda nesimba nekuzvipira saka ndinokurudzira vamwe vangu kushanda nesimba. Ndinofarawo ndikaona vatambi vakawanda vachienda kunze kwenyika kunotambira zvikwata zvakasiyana.

“Zvichitevera kudzoka kwaita mutambo uyu, vatambi ngavashandise mukana uyu senzira yekugadzira mazita avo vagokwanisa kutengwa nezvikwata zvekunze.

“Ndinoda chaizvo kuona vamwe vatambi vachitambira kunze kwenyika, mutambo uyu woramba uchikura,” anodaro Kwangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>