Shandisai mukana wehunyoro hwevhu: ZFU

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Shandisai mukana wehunyoro hwevhu: ZFU VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudzira varimi kuti vashandise mukana wehunyoro huriko muvhu nekurima kwemuchando (winter ploughing) kana vachinge vakohwa zvirimwa zvavo zvakasiyana izvo zvinobatsira kuti vasazonetsekana nekurima mumwaka unotevera.

Mashoko aya akataurwa naVaPaul Zakariya vanova ZFU executive director.
“Mvura yakanaya kunzvimbo zhinji dzenyika ino kureva kuti ivhu redu rakanyorova izvozvi saka varimi ngatishandisei mukana uyu kurimira mashanga nehuswa pasi zvinoita kuti ivhu redu rirambe rakanyorova kunyangwe patinosvika kutanga kwemwaka wezhizha unotevera hazvitinetse kuzodyara mbesa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti uyu mukana mukuru zvakare wekushandisa hunyoro uhwu kurima mbesa dzemuchando dzinosanganisira hanyanisi, derere nematomatisi.

“Zvirimwa zvatinorima munguva yechando iyi ndizvo zvinotipa mari yatinozoshandisa mukutenga zvimwe zvekushandisa mumwaka wekurima wezhizha unotevera. Tikashandisa mikana yakadai, munoona kuti gadziriro dzedu dzemwaka wezhizha hadzizonetsa uyewo hatikumbire kana kupererwa nekuti tinenge takarongeka,” vanodaro.

VaZakariya vanoti zvakakoshawo kuchengetedza mvura iri kunaya kune mamwe matunhu enyika.
“Mvura pose painonaya inofanirwa kuchengetedzwa mumatsime nemadhamu edu madiki iwayo kana makuru. Kureva kuti munguva yemuchirimo tinofanirwa kuona kuti madhamu nematsime abviswa madhaka mukati kuti mvura isvikowana pekugara pakanaka sezvo izvi zvinoita kuti tiwane mvura yekushandisa nguva dzose,” vanodaro.

Varimi, vanodaro VaZakariya, vanofanira kuendesawo ivhu ravo kuti rinoongororwa nenyanzvi kuti rionekwe zvarinoda.
“Ivhu rinofanirwa kuzivikanwa kuvava kwaro zvinopawo murimi ruzivo rwekuti mumunda make munoda kurimwa zvirimwa zvakaita sei uyewo nemhando yefeteraiza inodiwa,” vanodaro.

Vanoti munguva yechando, zvirimwa zvakawanda hazvibatwe nezvirwere nekudaro varimi vanofanirwa kurima mbesa dzose dzinopindirana nenguva iyi.

“Nyaya inodiwa chete kuona kuti zvirimwa zvavharidzirwa chando kuti chisarove. Chimwe chirimwa chinobvuma zvikuru munguva ino ihanyanisi idzo dzinopawo mari zhinji kuvarimi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey