‘Shandisai Pfumvudza nemazvo’

20 Dec, 2022 - 16:12 0 Views
‘Shandisai Pfumvudza nemazvo’ Makomba ePfumvudza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Zimunya vekwaMutare vari kukurudzira varimi vari kubatsirwa nezvekurimisa neHurumende pasi pechirongwa chePfumvudza kuti vashandise mukana uyu kuti munyika muve nemaguta.

VaKiben Bvirindi, avo vanova Mambo Zimunya, vantenda Hurumende nechirongwa chePfumvudza apo varimi vanopihwa mbeu dzezvirimwa zvakasiyana nemafetireza, mishongs nezvimwe izvo mambo ava vanoti zvasimudzira kudya mudzimba dzevazhinji.

“Muno mudunhu mangu ndiri kufadzwa nezvirongwa zveHurumende zvekutsigira varimi, zvikuru chePfumvudza. Varimi vakatanga kupihwa mbeu nefetireza kutanga mumwedzi waMbudzi, kunongova nevashoma vasati vapihwa.

“Kurudziro yangu ndeyekuti varimi tose tishandise zvatinopihwa izvi mukurima kwete kutengesa, tinoda kuguta senyika,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mambo Zimunya

Vanoti vanonzwa runyerekupe rwevamwe vanhu vanoti vakapihwa zvekurimisa zvinoguma zvava kutengeswa kuti vawane mari yekunwa doro nezvimwe zvavanoda.

“Ndine chikwata chevatungamiri vakaita semasabhuku, masadunhu nemakanzura vanoronda kuona kuti zvekurimisa zviri kupihwa varimi zvinofambiswa sei. Zita rako rikangouya kuno kwandiri uchinzi wakatengesa, ingava mbeu kana fetereza, tinokushevedza tokutonga, wopihwa chirango chako uye toita kuti usazopinda zvakare muchirongwa chekubatsirwa ichi.

“Kubva pakatanga chirongwa chePfumvudza, dzimba shoma muno mudunhu mangu muri kupindwa nenzara,” vanodaro.

Mambo Zimunya vanorumbidzawo manairo ari kuita mvura vachiti varimi vanofanirwa kushandisa mukana uyu kudyara zvirimwa zvinosanganisira mbambaira nezvimwe zvembesa diki.

”Kunze kwemvura yekunaya, chikamu chandinogara ini samambo tine mvura inobva kudhamu redu reZimunya uye tine vamwe vane magetsi seni vakaisa mvura mumapombi. Vamwe vane zvibhorani zvinoita kuti vashandise madiridziro mukurima.

“Izvozvi ini ndine chibage chava kuibva, ngatishandei tiite kuti dunhu rekwaZimunya nemamwe matunhu kuzivikanwe nenyaya dzekurima.”

Mambo Zimunya vanoti kurima pasi pechirongwa chePfumvudza hakunetse nekuti hachidi mafetireza yakawanda sezvinoita mamwe marimiro.

“Manyowa atiinawo mumazumbu edu nemumatanga emombe, ngatishandisei mukana uyu kuisa muminda yedu yezvirimwa zvose tigute. Munguva pfupi iri kutevera, tiri kuvandudza munda wedu weZunde raMambo,” vanodaro Mambo Zimunya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey