Uncategorized

Shanyai munyika menyu – Ndlovu

17 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
Shanyai munyika  menyu – Ndlovu Cde Ndlovu

Kwayedza

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti zvakakosha kutsigira chikamu chezvekushanyirwa kwenyika kuburikidza nekukurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti vabvakachire nzvimbo dzinoyevedza dzemuno sehwaro hwekumutsiridza chikamu ichi zvichitevera kudzorerwa kwachakaitwa kumashure nekunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura nemusi nemusi weChitatu mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo, gurukota rezvenharaunda, mamiriro ekunze nekushanyirwa, Cde Mangaliso Ndlovu vanoti panofanirwa kuva nezvirongwa zvinokwezva vanhu vemuno kuti vashanyire nzvimbo dzinoyevedza neekutandarira.

Vaipindura mubvunzo wemumiriri weNketa mudare iri, VaPhelela Masuku avo vaida kuziva hurongwa huripo pakukurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti vashanyire nzvimbo dzinoyevedza zvichitevera kudzikira kwevashanyi vanobva kunze nekuda kweCovid-19.

Cde Ndlovu vanoti panofanirwa kuva nezvirongwa zvinokurudzira vanhu kuti vashanyire nzvimbo dzinoyedza munyika muno.

“Mafungiro aripo pari zvino ndeekuti kushanyirwa kwenzvimbo dzinoyevedza dzemunyika muno nevanhu vemuno kuchaita kuti pave nehwaro hwekumutsiridza indasitiri yezvekushanyirwa iyo yakadzoserwa kumashure zvikuru nechirwere cheCovid-19. Saka zvakakosha kuti pave nerutsigiro rwunokurudzira izvi.

“Vari mumabhizimisi ezvekushanyirwa vanofanirwa kuona kukosha kwemusika wevanhu vanoshanya vari vemunyika muno. Zvakakosha kuti pave nezvirongwa zvinokwezva vanhu kuti vashanye zvinosanganisira mitengo yakaderera nezvimwe kana tichitarisa vari mubasa iri,” vanodaro.

Cde Ndlovu vanoenderera mberi: “Hurumende yakatoita chikamu chayo pakumbomisa kubhadharwa kwe15 percent VAT kwegore rose nevanhu vemunyika muno vanoshanyira nzvimbo dzemuno uye danho iri rinobatsira zvikuru mukukwezva vashanyi verudzi urwu. Makambani anofanira kutevera gwara reHurumende iri,” vanodaro.

Cde Ndlovu vanoti kuparurwa kwakaitwa chirongwa chekumutsiridza chikamu chezvekushanya, cheNational Tourism Recovery and Growth Strategy, nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa nguva yadarika kuVictoria Falls kunotarisawo kukanganiswa kwakaitwa nyaya dzevashanyi vekunze nekuda kweCovid-19 uye kusimudzirwa kwekushanya nevanhu vemuZimbabwe.

Vanotizve vari mubasa rezvekushanyirwa seZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) neNational Museums and Monuments of Zimbabwe vanokwanisa kukwezva vashanyi vemuno nekuve nemitengo yakaderera.

Vanoti bazi ravo, kuburikidza nechikamu cheZimbabwe Tourism Authority, mwedzi unotevera (Mbudzi) richaparura chirongwa chekusimudzira kushanya kwevanhu vari munyika muno cheDomestic Tourism Campaign ZIMbho (#vakatsha) icho chakananga kumutsiridza chikamu ichi.

Cde Ndlovu vanoti bazi ravo riri kukurudzira vari mumabasa ezvekushanyirwa kuti vave nezvirongwa zvinokwezva vashanyi vemuno.

“Tichitora mukana wekuti vanhu vange vagere kudzimba kwemwedzi inganosvika minonwe, tine tarisiro yekuti kushanyirwa kwenzvimbo dzemuno kunogona kusimukira apo mabhazi akatanga kufamba pakati pemaguta uye masvondo mashoma adarika ange achifadza nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuenda mumahotera kune dzimwe nzvimbo,” vanodaro Dr Ndlovu.

Vanoti zvimwe zvezvirongwa zviri kuitwa zvinosanganisira kushanya kwezvikoro apo bazi ravo riri kushanda nemapazi edzidzo nechinangwa chekuti vadzidzi vashanyire nzvimbo dzinoyedza dzemuno.

“Kunyangwe chinangwa chikuru chiri chekuti vadzidzi vafunde zvakasiyana, zvinobatsira zvakare kuti vaone nzvimbo zvichisimudzira chikamu chezvekushanyirwa.”

Cde Ndlovu vanoti Covid-19 isati yanyuka, bazi ravo rakange ratanga kumutsiridza chirongwa cheCommunity Based Tourism Enterprises (CBTEs) chakananga kusimudzira tsika nemagariro nedonzvo rekukwezva vashanyi.

“Ndinogona kukuudzai kuti kune KoMpisi Village iri kuVictoria Falls uko zvikoro zviri kuendesa vana kuti vanofunda pamusoro pekuita zvinhu nenzira dzechivanhu idzo dzisingachashandiswe mazuva ano. Tiri kumutsiridza zvirongwa zveCBTEs munyika yose takabatana nevatsigiri vanosanganisira Japan International Cooperation Agency (JICA),” vanodaro Cde Ndlovu.

Share This:

Sponsored Links