Sharon Cohen School yakabatsirwa

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Sharon Cohen School yakabatsirwa

Kwayedza

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, svondo rapera vakabatsira vana vepachikoro cheSharon Cohen Special School, chiri kuChitungwiza, nemabhegi echikoro, magumbeze nezvimwe zvinodiwa padzidzo yavo.Chikoro ichi ndechevana vane matambudziko ehurema huri nepakasiyana-siyana.

Vachitaura pavaigashidza zvinhu izvi kuvana vechikoro, First Lady Amai Mnangagwa vanoti vanofara zvikuru kushanda nevana.

“Ndinofara zvikuru kuti pane mushandirapamwe uri kuitwa nemasangano akasiyana mukutsigira vana ava nekuti kare vanhu vaingosiira basa iri kuHurumende nevemachechi. Ini ndiri munhu ane rudo nevana uye ndinofara kuvaona vachifara.

“Nhasi ndakuunzirai mabhegi sambuya venyu kuti mukwanise kutakurira mabhuku nemaranji bhokisi ane mbuva. Ndakupai zvose nevarairidzi venyu magumbeze ekuti mudziirwe munguva ino yechando,” vanodaro.

Vanotenda mhuri yekwaCohen nekuramba ichitsigira mabasa akasiiwa neaive muridzi wechikoro ichi, VaVictor Eric Cohen, avo vakashaya gore rapera vachiti dzidzo yevana vakaremara inofanira kutsigirwa zvakasimba.

First Lady Amai Mnangagwa vakazodyara muti pachikoro ichi senzira yekurangamirira mabasa makuru aiitwa nemushakabvu VaCohen mukusimudzira dzidzo yevana vakaremara.

Vanoti vacharamba vachibatsira vanotambura senherera neshirikadzi kuburikidza nesangano reAngel of Hope Foundation.

Mukuru weSharon Cohen Special School, Mai Chipo Mabaya, vanoti chikoro chavo chinoda rutsigiro rwakasimba kuti chibudirire.

“Vamwe vabereki vevana vakaremara vari kusvika pakushaya tariro navo sezvo vazhinji vacho vari madzimai vakatotizwa nevarume nepamusaka pekuti vanenge vakakundikana kutambira nhau dzehurema mumhuri. Madzimai mazhinji ane vana vakaremara vanokundikana kuwana mari yechikoro nokudaro chikoro chino chakatobhuroka nekuda kwezvikwereti zviri muvabereki.

“Bhazi rechikoro redu idiki rinotakura vadzidzi 25 chete uye rasakara. Tinoda zvakare kutenga chikafu chinodyiwa nevana nekuti vazhinji vacho kudzimba hakuna, vanotogumira kudya masikati pano nekuda kwehurombo huri

mudzimba dzavo,” vanodaro.

Vanoti vamwe vana vazhinji vaimbobhadharirwa mari pasi pechirongwa cheHurumende cheBasic Education Assistance Module (BEAM) asi mari iyi haisi kuunzwa nenguva.

“Mari yatakapedzisira kubhadharwa neBEAM ndeye muna2015 uye yakatouya gore rino. Tinotenda zvikuru nerubatsiro rwauya naAmai Mnangagwa nekuti rwauya panguva iyo takaomerwa,” vanodaro.

VaNocholas Aribino, avo vanova Country Director weZimCare Trust, vanopembedza mabasa ari kuitwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika vachiti vane rudo rwekubatsira vanotambura rwunobva pamwoyo pavo.

“Rudo rwenyu Amai kune vanotambura rwakakosha nekuti vavariro yedu ndeyekuti vave vanhu vane zvavanogona kuzozviitira muupenyu hwavo sekugona kutengesa, kusona, kuveza nezvimwe asi zvese zvinobva mudzidzo kuti vagone kunyora, kuverenga nekuita mabasa emaoko,” vanodaro.

Chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo – avo vanove zvakare nhengo iri kukukwikwidza musarudzo dzeNational Assembly vakamirira ZANU-PF kuZengeza East – vanoti vacharamba vachibatsira vana ava munyaya dzeutano.

“Shungu dzangu ndedzekuona vana ava vachikura vaine utano hwakanaka. Saka ticharamba tichivatsigira kuti vange vachirapwa pachena apo vanodzimbikana nemiviri,” vanodaro.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links