
Abel Ndooka
SHANGWITI dzemarathon dzinodarika 1 500 dziri kutarisirwa kukwikwidza mumujaho mukuru weTanganda Half Marathon 21km uyo uchaitwa kwaMutare nemusi wa30 Chikumi.
Mujaho uyu unorongwa nekambani yeTanganda Tea Company uye uchaona shasha dzakawanda dzinobva kunyika dzakasiyana dzichikwikwidza.
Muhurukuro, operations manager weTanganda Tea Company – Farayi Garai – anoti gore rino mujaho wavo wadzoka wakura.
Anoti kune shasha dzinomhanya dzinosvika 1 300 dzatonyoresa kare kuti dziri kuuya kwaMutare uko kunoitirwa mutambo uyu gore negore.
“Gore rino, mujaho wedu uchange wakakura nekuti tichitarisa nevanhu vanyoresa kuti vari kuuya kuzokwikwidza, zviri kurakidza kuti mujaho uyu uchange uri muhombe.
“Kutaura kuno, vanhu vanodarika 1 300 vakatonyoresa kare kuti vari kuuya kuzokwikwidza. Tine chivimbo chikuru chekuti vachasvika 1 500 vatiri kutarisira kuti vachauya kuzokwikwidza gore rino,” anodaro Garayi. Shasha dzakahwina mujaho uyu gore radarika dzinoti Moses Tarakinyu naOlivia Chitate avo vari kutarisirwa kuenda kunorwira kuchengetedza mikombe yavo.
Gore radarika, Tarakinyu akakwanisa kuchengetedza mukombe uyo waainge ahwina muna2022, kuchiti Chitate ave nemakore matatu achihwina mukombe uyu.
Maziso ese achange ari panaChitate sezvo veruzhinji vachida kuona kuti shasha iyi ichakwanisa kuhwapura mukombe uyu kechina kakatavedzana here.