Shasha 7 dzemujaho dzoenda kuCameroon

13 Jun, 2024 - 21:06 0 Views
Shasha 7 dzemujaho dzoenda kuCameroon Tendai Tagara

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) riri kutumira shangwiti nomwe dzinomhanya mijaho yakasiyana kuCameroon kunokwikwidza kumutambo we2024 Africa Senior Athletics Championship.

Mujaho mukuru uyu uyo uchaitirwa kuDaola, kuCameroon kutanga musi wa21 Chikumi uchizopera musi wa26.

Mutungamiri weNAAZ – Tendai Tagara – anoti vachatumira shasha nomwe kuCameroon apo vazhinji vacho vari kurwira tikiti rekuenda kumaOlympics Games Paris 2024.

Mujaho weAfrica Senior Athletics Championship imwe nzira yekuenda nayo kumaOlympics asi hunge vatambi vakakwanisa kubata nguva dzavanenge vatarirwa kuti vagomhanya mujaho uyu.

“Tiri kutumira shangwiti dzedu nomwe kuCameroon kuti dzinokwikwidza kumujaho weAfrica Senior Championships uyo uchatanga musi wa21 uchizopera musi wa26 Chikumi.

“Chikwata chedu ichi chatiri kutakura kumutambo uyu tiri kuda vari kurwira kuenda kumaOlympics saka tine vatambi vari kubva kuAmerica nekuFrance vachange vari muchikwata chedu,” anodaro.

Tagara anoti chikonzero chavari kutumira chikwata chevatambi vanomwe chete inhau yekuti havana mari yekukwidza ndege vatambi vakawanda.

“Nyaya iripo ndeyekuti tine mari shoma nekudaro hatikwanise kukwidza vanhu vakawanda ndege, saka takavhura mukana kune vamwe vatambi kuti kana vachikwanisa kuzvikwidza ndege vega kuti vaende kuCameroon, tinozvigamuchira isu tinovachengeta ikoko tovapa pekugara uye nekuvatengera chikafu,” anodaro.

Tagara anoti chikwata cheTeam Zimbabwe chichaenda kumakwikwi aya chichazoziviswa mumazuva anotevera nadirector of coaching kuNAAZ, Lisimati Pakamire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey