Uncategorized

Shato yemuhotera Yodya ichirutsa …Chivanhu ichocho: Zinatha … Iri kushungurudzwa: Parks

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Shato yemuhotera Yodya ichirutsa …Chivanhu ichocho: Zinatha … Iri kushungurudzwa: Parks Shato yekuwanikwa muhotera iri kwayave kuchengetwa

Kwayedza

Ray Bande

MUKWESHWA wenyoka yerudzi rweshato yekuwanikwa yakabhukirwa muhotera nemumwe mukadzi anoita mabasa ekutengesa muviri wake kwaMutare achiti ndiyo inomubatsira pakukecha varume nekumuita kuti ahwinhe njuga inonzi yava kurutsa chose chayadya.

Zviri kuitwa nenyoka iyi zvava  kushamisa vari kuichengeta.

Zinyoka rinodarika mamita matanhatu kureba iri rakatomboendwa naro kudare redzimhosva nguva yadarika sehuchapupu, vanhu vakaita chapwititi — vamwe vachitiza asi vamwe vachida kunozvionera manenji aya.

Nyoka iyi yava kuchengetwa neveCecil Kop Nature Reserve asi inonzi iri kuti pose painenge yadya, inorutsa chikafu chacho.

Izvi zvave kuita kuti veruzhinji vave nemafungiro akasiyana anosanganisira esainzi zvose nechivanhu.

Vesainzi vanoti shato iyi iri kurutsa nechikonzero chekushungurudzwa nekusagadzikana kwayakaita kubva payakabatwa iri muimwe hotera iri pakati peguta iri. Vanoti kurutsa uku utori mucherechedzo wekusagadzikana kwayo.

Zvisinei, vechivanhu vanotiwo kana nyoka ikashandiswa zvemishonga yekuromba kuti munhu aite mari, muridzi wayo kana iyo inobva yafa zvichitevera kuparadzaniswa kwainge yaitwa nemwene wayo.

Pakashanyira Kwayedza kunzvimbo iri kuchengetwa shato iyi, yakawanikwa yakangozvimoneredza “pamusha” wayo mutsva.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiyero, vanoti kana nyoka yatanga kushandiswa mabasa emishonga sekutsvagiswa mari, inenge isisiri nyoka sekuziva kweveruzhinji asi kuti inenge yatofanana nechikwambo.

VaKandiyero

“Nyoka iyi inogona kusararama kwenguva refu uye kurutsa uku mucherechedzo wekuratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Inogona kungotsakatika zvisinganzwisisike.

“Dzimwe nguva mhuri yemuridzi wenyoka iyi inogona kupindana nenguva yakaoma sekurwara kana kufa kana muridzi wayo aparadzaniswa nayo. Zvinoenderana nezvakatenderanwa pakati pemuridzi nenyoka yacho,” vanodaro VaKandiyero.

Vachitaura vakamirira Cecil Kop Nature Reserve, VaKnowledge Nyamhoka, vanoti kurutsa uku kushungurudzika kwenyoka iyi kubva panguva yayakabatwa iri muhotera kusvikira payakazombotorwa ichiendwa nayo kudare sehumboo.

“Zvinorwadza kuti nyoka iyi yakashungurudzika zvakanyanya uye isu tiri kuzviona nezvairi zvacho. Tikaipa huku kuti idye inobva yarutsa mushure mekuidya. Izvi zviri kukonzerwa nekushungurudzika kwayakaita apo yakamboraswa musango ndokuzotorwa ichiendwa nayo kudare sehumboo.

“Haisi kuda kana kubuda panze painonzwa ruzha rwevanhu nekuti inenge yava kufunga kuti yava kutorwa zvakare. Tinoshuvira kuti ichaita zvakanaka yojairirana nepanzvimbo payava kugara,” vanodaro VaNyamhoka.

Vanoti nyoka dzavanochengeta dzakaita seshato dzinodya chikafu kamwe chete kana kaviri pamwedzi.

Kuchiti mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vanotsinhira mashoko aVaNyamhoka vachiti shato iyi inoda nguva yekuti ijairirane nenzvimbo yayava kugara.

VaFarawo

“Ndinorangarira kune mumwe mukomana akambotorerwa nyoka yaaiti ndeyake iye akavimbisa kuti yaizonyangarika.

‘‘Yakaiswa munzvimbo yaive yakavakwa nemagirazi uye yakazonyangarika.

“Zvisinei, isu tinoshandisa sainzi pakushanda kwedu naizvozvo tinoti nyoka iri kwaMutare ichajairirana nenzvimbo nekufamba kwenguva. Kurutsa chiratidzo chekushungurudzika kwayakaita uye ichajairira nekufamba kwenguva,” vanodaro VaFarawo.

Veruzhinji kwaMutare vakafungidzira kuti shato iyi ine chekuita neSatanisim nekushandiswa kwemishonga yakaipa pavakaona mumwe mukadzi nemurume vaiva mumotokari yerudzi rweToyota vachiikanda kuchisango chiri kuseri kweMutare Motoring Clud ndokubva vatiza.

Vakadzi vaviri vari kumiswa mudare rekwaMutare vachipomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo weSection 45 chinoenderana neSection 128 of the Parks and Wildlife Act icho chinorambidza kuvhima, kuchengeta kana kugara nemhuka dzesangano dzinochengetedzwa pasi pemutemo uye vakatopihwa bhera vachimirira kutongwa kwenyaya iyi.

Simbarashe Mupuradzuva (40), uyo anogara kuMaonde, ndiye chapupu chikuru munyaya iyi. Murume uyu anoti ndiye akatanga kuona nyoka iyi apo yaive muhotera, ndokuzonomhan’ara kumapurisa.

Hapana anoziva kuti nyoka iyi yaidyei apo yaigara muhotera.

Share This:

Sponsored Links