Uncategorized

‘Shavi rondidyisa hove mbishi’

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Shavi rondidyisa hove mbishi’ Mbuya Malema

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI wekuChitungwiza ari kuti akambogara nenjuzu pasi pemvura kwemwedzi mitatu ndokuzodzoka ava kudya mazai asina kubikwa nehove mbishi. Martha Chakudzuka (47) – uyo anozivikanwa nezita rekuti Mbuya Malema (47) achigara panhamba 9319 kuSt Mary’s – akambobuda muKwayedza nguva pfupi yadarika nenyaya yekuramwirwa chitunha apo ainzi ndiye akaroya murume ainge amubira uyo akazofa.

“Ndakatorwa ndiri Grade 6 nenjuzu apo ndaiva pachikoro cheDudzu Primary chiri kwaRusike. Ndakangosvikoputirwa nemhepo ichibva yaenda neni, mukoma wangu wandaiva naye Sarah Sande akasara achingova pamba sezvo taiva kumba weekend yacho,” anodaro mukadzi n’anga uyu.

Anoti kuuya kwakaita mhepo iyi, yaive nevanhu vairidza ngoma nembira mukati mayo vachipururudza, apo anoti iye akazongoerekana ave mubako umo aigara netuchembere.

Mbuya Malema vanoti pavakazotorwa nenjuzu, munzveve dzavo vakatanga kunzwa mazwi evanhu vaiimba nemutauro wavasinganzwe.

“Ndasvika mubako muya, kune chembere mbiri dzaiuya pane imwe iyo yaiva yakafanana neni. Ndainge ndisina magumbeze ekufuga, ndaingova nemachira ayo ndakapihwa ndichingosvika mubako raiva pasi pemvura.

“Kazhinji, ndaigara ndiri ndoga ndichivigirwa hove mbishi ndichidya mupunga nebota rezviyo, remhunga neremapfunde iro raingoerekana raunzwa ndisingazive kuti rabikirwa kupi,” vanodaro.

Dzimwe nguva, vanodaro Mbuya Malema, kwaiuya njuzu chaidzo dzichitaura navo apo dzaivatora pamwe chete nechembere vachinoratidzwa mishonga.

“Sadza raiunzwa remhunga, remapfunde nerezviyo tichidya nehove mbishi nemupunga parutivi. Tainyanya kudya iwo mabream (magwaya) nemazai mambishi. Kusvikira nhasi uno ndinodya hove mbishi mabream aya nemazai mambishi zvinova zvinodiwa nemashavi anosvika pandiri,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mubako umu kazhinji ndaigara ndoga, ndichingoona chaedza. Ndaizongoona machembere kana njuzu dzapinda mubako mandaiva. Musi wandakasvika, ndakasvikotambidzwa chuma nezvikoko zvinenge zvehozhwa uye patainopinda mumvura, ini ndainzi ndibate jira revamwe mbuya avo ndaitevera kusvikira tany’ura mudziva,” vanodaro Mbuya Malema.

Vanoti pavakagara mubako, vainge vakamonera machira ane mavara.

“Pose pandaivako, ndaimonera jira reblue nereruvara rwehanga nerimwe jena uye nguva zhinji ndaidya mishonga yechivanhu.

“Ndiri mubako imomo, ndainzi ndikuye mishonga nematombo aivamo ndichiisa mutswanda. Ndakazopihwawo tsvimbo nenhekwe yefodya.”

Mbuya Malema vanoti pavakatsakatika vatorwa nenjuzu, vabereki vavo vakasara vachiudzwa nen’anga kuti vasacheme sezvo vakavimbiswa kuti mwana wavo aizodzoka.

“Pakudzokera, kwakangoerekana zvakare kwauya mhepo huru mubako mandaiva, ndokuerekana ndave kunze uko ndaiita sendaibhururuka apo ndakanodonhedzerwa pasango paiva nambuya vangu mai vababa avo vaibva kuMalawi kunova kumusha kwedu,” vanodaro.

Vanotizve vakabuda mubako umu vasingagone kutaura apo vakazotorwa ndokuendeswa kumba kwevabereki vavo uko vakasvikowana vanhu vakaungana uye kwakabikwa mupunga nenyama pamutambo unozivikanwa nekuti sadaka.

“Mbuya vangu ndivo vaiva vakanditungamirira ini ndakatakura tsvimbo dzangu dzandakapihwa kubako, nhekwe yefodya hombe nebhasikiti raiva nemishonga uye ndakamonerwa nemachera.

“Mbatya dzandakatorwa ndiinadzo ndakanga ndisisina, handizive kwadzakaenda. Baba vangu VaZarikano Sande naamai, Linah Chakudzuka, vose vainge vakamirira kudzoka kwangu apo vanhu vaifara pachiridzwa mbira,” vanodaro.

Mbuya Malema vanoti vanogara vachienda kunzizi uko vanonosangana nenjuzu.

“Ndinoenda kumvura kunosangana nenjuzu, kunyanya kuMazowe nekuna Zambezi, kuMozambique nekuNamibia. Izvozvi ndaiva kugomo rinonzi Tswaing riri kuPretoria, kuSouth Africa uko kune dziva riri pamusoro pegomo rinonzi rakaboorwa nenyenyedzi yakabva mudenga ndokuny’urapo.”

MuHarare, Mbuya Malema vanoti vanonyanya kuenda pamadirirano erwizi Ruwa naManyame apo pavanoti panoyera zvikuru uye panogara vakuru venjuzu.

Share This:

Sponsored Links