Uncategorized

Shavi tugu parufu… ‘hameno changa chandibata’

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Shavi tugu parufu… ‘hameno changa chandibata’ Dorica Kanjoro

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wepapurazi rakagariswa vanhu patsva reAdmore, kwaChivero, kuMhondoro, anonzi akabatwa neshavi kana kuti dhimoni ari parufu rweaimbova muroora wake, ndokuverevedza kubva kumakuva kwaivigwa mutumbi wemufi achinopinda mumba makachemerwa mufi umo akazowanikwa achimwaya-mwaya mushonga.

Nyaya iyi inonzi yakaitika mubhuku rekwaBumhudze parufu rwaHappison Murandure uyo akafa aine makore 24 okuberekwa mushure mekurwara nemakumbo nekuzvimba dumbu.

Mai Dorica Kanjoro (54) ndivo vanonzi vakabatwa neshavi apo mutumbi wemushakabvu wakange wave kudzikiswa muguva, ndokuverera vachisiya ruzhinji kumarinda, apo vakanopinda mumba makanga machemerwa mufi.

Mudzimai uyu anonzi akazowanikidzwa nevaroora vepamusha uyu achiita chivanhu chake ari oga apo akazovharirwa mumba inova yekubikira kusvikira veruzhinji vakotonoka kudzoka kumakuva.

Mai Kanjoro — avo vari kutsinhira nyaya iyi vachiti havaizive chakavabata panguva iyi — vakatomiswa mudare raSabhuku Bumhudze ndokuripiswa mbudzi nehuku.

Vachitaura neKwayedza, Mai Kanjoro vanoti havanyatsoyeuka zvimwe zvavakaita panguva iyo vakapinda mumba makachemerwa chitunha asi vanoramba kuti vakamwaya mushonga mumba umu.

“Ndakapinda mumba umu ndichidzora mudzimu, asi zvekuisa mushonga handina. Ndizvo zvatinoita kwedu kwaSabhuku Bhiza kana kwafiwa. Handigone kuzviramba kuti ndiri muroyi, munhu unogona kumutswa kana kushandiswa ugobatwa neshavi iwe usingazive. Saka ndinotoda kubatsirwa kuti dambudziko iri ripere.

“Mbudzi yekuripa iri kudiwa nasabhuku ini handina, ndiri kutotsvaga,” vanodaro Mai Kanjoro.

Asi Mai Tracey Mufambi (43), avo vanova amai vaHappison, vanoti chiitiko ichi chakasiya vanhu vaive parufu urwu vazere nekushamisika nekutya kukuru.

“Mwana akashaika uyu ndiye aiva dangwe rangu uye akafa nemusi wa30 Chivabvu tamuendesa kuchipatara cheNorton. Tave kumuviga nguva dzekuma11 mangwanani nemusi weMugovera wadarika uyu, vamwe amai vaimbova vamwene kumwana wangu uyu vakazobatwa neshavi ndokuverera kubva kumakuva kwataiva apo vakazowanikwa vari voga mumba matakachemera mwana vachinzi vaimwaya mushonga mumba umu,” vanodaro.

Mai Mufambi vanoti sezvo vanhu vakawanda vaiva kumakuva vachiviga mufi, varoora vavo vainge vasara kumba vanosanganisira Jane Masaraure, Maggie Imbayago naMaideyi Munyengwa ndivo vakazoona Mai Kanjoro vachidzokera kumba vari voga, ndokusvikopinda mumba apo vakatanga kumwaya mushonga vachiita sevadzungaira.

“Vamwe vaiva pedyo nemudzimai uyu kumakuva vanonzi vakati akasiya audza mamwe madzimai kuti aida kunozvibatsira kumba, uko akazowanikwa ave kuita zvisinganzwisisike izvi.

“Sekutaura kwavo kuti vaida kudzosera mudzimu mumba, munhu anotora mudzimu usiri wehama yake here? Ini ndinoti uku kushereketa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemurume wavo, VaEmmanuel Murandure (56), vachiti vakashaya neremuromo nekuda kwechiitiko ichi.

“Takazobva kumakuva tikawana pamba pazara vanhu, amai ava vakavharirwa mumba tichinzi vawanikwa vari voga mumba vachikusha mushonga. Amai ava pandakavabvunza, vakaramba kuti vaikusha mushonga ndokuti vainge vadzoka kumba kuzosiya mudzimu waHappy mumba umu. Ndakavati hamusi tete vangu kana werudzi rwangu munokwanisa kutora mudzimu wemwana wangu,” vanodaro.

Masabhuku matatu aiva parufu urwu avo vanosanganisira sabhuku Bumhudze, Muringwa naDzvairo vanonzi vakazobvunza Mai Kanjoro nekuda kwenyaya iyi ivo vakati vaida kusiya mudzimu wemushakabvu pavakapinda mumba umu.

“Amai ava vakati ndizvo zvavanoita kupurazi ravo reBathest kana kuchinge kwafa munhu, vachiti semadzimai, vanodzokera mumba munenge machemerwa mufi umo vonosiya mudzimu. Zvisinei, masabhuku ekunogara amai ava vanonzi vanoramba kuti kwavo kunoitwa tsika yakadaro,” vanodaro VaEmmanuel Murandure.

Sabhuku Bumhudze, VaTava Bumhudze (74), vanoti Mai Kanjoro vakazovagadza dare vakabvuma nyaya iyi.

“Nyaya iyi yakaitika tiripo, amai ava takazovagadza dare neMuvhuro uno tiine mamwe masabhuku emuno. Vakabvuma nyaya yavo tikavati varipe mbudzi yekusvibisa dunhu rino nehuku pamusoro yetsoka dzemupurisa wemusha.

“Nyaya iyi iri pachena, ine chekuita nehushereketwa. Pane mudzimai mumwe chete wekwavanobva akati ndizvo zvavanoita kana vari vose, kureva kuti chikwata,” vanodaro.

Mbuya Beritta Bumhudze (77), avo vanova mudzimai waSabhuku Bumhudze, vanoti chiitiko ichi chakavakandisa pafumo pasi.

Kuchiti VaMaxwell Murandure (48), vanova babamudiki vemushakabvu, vanotiwo aya mashura.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaFarai Muchenje (49), vanove sekuru vaHappison vachiti, “Muzukuru wangu akatanga kurwara apo aiva achiri kugara kumba kwaamai ava apo anonzi aipota achipihwa mishonga yechivanhu yekumurapa. Akazodzoka kumba kwavo ave kurwara kusvika afa. Hatizive kuti kusiya mudzimu kwavaitaura kumunhu asiri hama yavo vairevei.”

Vanoti chinovashamisa ndechekuti Mai Kanjoro pavanonzi vakawanikidzwa vachimwaya mushonga mumba umu, vakazopinda muchimbuzi umo vanonzi vakatora nguva ingaite awa vasati vabuda izvo zvinofungidzirwa kuti vaiita chivanhu imomo.

Votaura pamusoro penyaya iyi, Gogo Letwin “Mamoyo” Manguwo (27) vekuChitungwiza, vanoti mhuri yekwaMarandure inofanirwa kushandirwa, musha neguva remufi zvochenurwa.

“Amai ava pane zvihombe izvo vakaita kudarika zvakaonekwa neruzhinji,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links