‘Shinga munhukadzi shinga’

04 Jan, 2023 - 12:01 0 Views
‘Shinga munhukadzi shinga’ Talent Mazenge

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yemadhirama – Talent Mazenge – anoti kunyangwe upenyu huome sei, vanhukadzi vanofanirwa kushingirira kuti vave neremangwana rakajeka.

Mazenge mucherechedzo wemudzimai ane hushingi sezvo akararama upenyu hwairwadza kusvika azosimudzirwa nemadhirama pamwe nekushanda mabasa akasiyana.

Anoti upenyu hwakamudzidzisa kuzvimirira saka ave kutora chikamu chekubatsira mamwe madzimai achivaratidza gwara rekufamba naro kuti vagosvika padanho raasvikawo.

“Ini ndinoziva chinonzi kuoma kweupenyu nekuti ndakararama upenyu hwairwadza zvichitevera kushaika kwakaita murume wangu mugore ra2008 ndikasiiwa ndiine mwana mucheche. Ndakaramba ndakashinga ndakamira pachinangwa, nhasi upenyu hwangu hwashanduka.

“Saka ndinoda kudzidzisa mamwe madzimai kuti kunyangwe zviome sei, musafunge kuti ndiko kuguma kweupenyu. Shinga mudzimai, shandisa mawoko ako uzvishandire.

“Ini kusvika pandave iye zvino, ndakaramba upenyu hwekutambura ndikati ndinoda kuzvishandira kuti ndishandure upenyu hwangu nehwemwana wangu,” anodaro.

Mazenge kubva apinda mune zvemadhirama, ashanda nedzimwe nyanzvi dzakaita saAaron Chiundura Moyo, Steven Chigorimbo naFelix Mutasa.

Talent Mazenge

Akabudawo mumadhirama anosanganisira Tiriparwendo, Pedyo Kure, Rujeko Gupuro, Hona Mwana Wako, Estate Blues, Unfairness of Life naPachiteshi iyo inobuda paZTN.

Pamadhirama ose aakaita, Mazenge anoti hakuna basa raasingakwanise kuita nekuti chikuru anenge achipa dzidziso yakasiyana.

“Patinoita madhirama, tarenda rako rinoonekwa nekukwanisa kuita basa raunenge wapihwa, dzimwe nguva ndinobuda ndiri Mai Mufundisi, mbavha, muroyi kana pfambi chaiyo.

“Hazvisi kuti zvimwe zvacho ndizvo zvandiri, asi tine dzidziso yatinenge tichipa ipapo kuti igobatsira vanhu muupenyu hwavo mune remangwana,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey