Shiri: ‘Varimi tarasikirwa zvikuru’

31 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Shiri: ‘Varimi tarasikirwa zvikuru’ Cde Shiri

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPOKA ari munyaya dzezvekurima ari kuchema zvikuru zvichitevera kushaya kwegurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva, Cde Perrance Shiri nezuro.

Dr Andrew Matibiri, avo vanova chamangwiza weTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) vanoti, “Ndanzwa kutya kukuru pandazvinzwa mangwanani anhasi kuti gamba rezvekurima nerusununguko rwenyika hakuchina. Tarasikirwa zvikuru. Pamakore maviri atakashanda navo, taona zvibereko zvikuru kunyange ndakashanda navo kubva kare.”

Vanoti Cde Shiri vaive nechishuwo chekuona varimi vachisimudzirwa.

“Shungu dzavo vanga vachida kuti Zimbabwe idzokere pakuva dura rechikafu sezvayaiva kare, ticharamba tichishingaira kuzadzikisa zvido zvavo,” vanodaro Cde Matibiri.

VaPaul Zakariya – vanova mukuru weZimbabwe Farmers Union (ZFU) – vanoti sevarimi, varwadziswa kusvika pamwongo chaipo.

“SeZimbabwe Farmers Union, tarasikirwa zvikuru nekushaika kwaCde Shiri. Vanga vachishingaira mukusimudzira mabasa ekurima muzvikamu zvose zvenyika apo taishanda navo nguva dzose,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti nguva ino vanga vari mubishi kugadzirira mwaka weZhizha uri kutevera zvakanaka, zvikuru vachishanda pamwe chete naCde Shiri.

“Hatigone zvedu kunge tichitongera Mwari vane nguva yavo, asi tarasikirwa zvakanyanya nekushaya kwaCde Shiri. Vasiya vende risingagone kuvharika munyika yose nekuchikamu chezvekurima. Zvisinei, vatisiira zvakawanda zvatakadzidza kubva kwavari kuburikidza nehunyanzvi hwavo,” vanodaro VaZakariya.

Mai Chido Nyakudya, avo vanova managing director weBoka Tobacco Floors (BTF) vanotiwo, “Tarasikirwa zvikuru. Taishanda zvakanaka muchikamu chedu chekurimwa kwefodya nekutengeswa kwayo.”

Share This:

Sponsored Links