Uncategorized

Shiri yakangwara inovaka dendere mvura isati yanaya

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naErnest Muchena
VAKURU vanoti shiri yakangwara inovaka dendere rayo mvura isati yaturuka saka nekudaro mutyairi wega-wega anofanirwa kugadzirira motokari yake kuti asazoite dambudziko mumwaka uno wekunaya kwemvura.MABHUREKI NEMATAYI:
Nguva yekunaya inoda kuti motokari ive nematayi akanaka. Mutemo unoti motokari inofanirwa kuve nematayi akaenzana, ane matsimba uye aine zera rimwe.
Matsimba aya anoita kuti kana mvura yanaya matayi aya arege kutsvedza sezvinoita tayi rakapera.

Mabhureki:
Mabhureki chinhu chakakosha pamotokari, ndiwo anoita kuti motokari imire. Motokari inotarisirwa kumira nguva nenguva asi nedzimwe nguva zvechimbi-chimbi. Munguva yekunaya, mabhureki ekufungidzira anotsvedzesa motokari ichinomirira mberi-mberi kwanga kusingafungirwe nemutyairi.

Paya paungamisire motokari yako kusinganaye hapasiripo painozomira kwanaya nemhaka yekuti kunogona kunge kuchiti tsvedzeyi.
Chinhu chakakosha kuti motokari dzisanyanyomhanya munguva yekunaya. Mutyairi anofanirwa kuve kure zvakakwana nemotokari iri pamberi pake.

KUYEVERA IMWE MOTOKARI:
Mutyairi haafanirwe kutevera pedyo-pedyo nemabhazi nemarori. Mota hombe dzinopfapfaidza mvura yakawanda kana kwanaya zvinova zvinotadzisa mutyairi ari kumashure kuona zvakanaka.

Zvinodazve kungwarira kana uchipindira dzimwe mota. Kana pachiita kupindira, zvinoda kuitwa nechimbi-chimbi pasina kunonoka.

ZVEKUCHINJA MWAKA USATI WATANGA:
Ma“wiper” – Aya ndiwo anoshandiswa kubvisa mvura inenge ichinaya yoenda pafafitera remberi zvinozotadzisa mutyairi kuona mberi zvakanaka.

Munguva yekupisa ma“wiper” haashandiswe naizvozvo anoomarara nezuva rinenge richipisa. Izvi zvinoita kuti asazobvisa mvura iyo inenge ichitadzisa mutyairi kuona. Mushonga wacho kuona kuti watenga ma“wiper” matsva akapfava anopukuta mvura yese pafafitera.
Marabha epama“pedal” – Pama“pedal” ndipo panotsika mutyairi, achitsika angava mabhureki, achichinja magiya kana paya paanopamhidzira mafuta.

Pama“pedal” pane marabha anoita kuti shangu dzisazotsvedza sekuti zvichida mutyairi anoda kutsika mabhureki. Marabha iwayo anokurudzirwa kuti achinjwe mvura isati yanaya. Tsoka nyoro inotsvedza zvinozokonzeresa tsaona mota yaramba kumira tsoka yatsvedza.
Mvura – Pane mvura inogezeswa girazi rinoona naro mutyairi. Mvura iyi inopfapfaidzwa ichibva mukagaba kari pamotokari. Mvura iyoyi ngaigare yakazadziswa nemutyairi nguva ichiripo.

Hazvibatsire kuti uzoona usina chekupfapfaidza uri pakati pemugwagwa. Izvi zvinotadzisa kuona uye ndidzo mviromviro dzetsaona pamugwagwa.

Mhute mumota – Kana kwanaya zviya kufema kwevari mumota kunounza mhute pamafafitera. Izvi zvinopedzwa neyi? Zvinopedzwa ne“air con” pamwe nekudzikisa mafafitera zvishoma kuti tumhepo tutenderere. Ndizvo zvinozodzivirira mhute.

Munguva ino yekunaya, motokari ngadzive dzakagadzirwa nemutyairi akangwarira. Iwo mabhureki ngaarege kunyanyotsikwa-tsikwa sezvo motokari dzichitsvedza pakumira. Zvinonyatsoshanda kuregera kutsika mafuta motokari yopomhodzwa zvakanaka. Kana mugwagwa wakanyorova uchitsvedza zvinoda kuti mutyairi angwarire zvikuru.

*Ernest Muchena ndimazvikokota wekudzidzisa kudzivirira tsaona pamugwagwa ari zvakare mutauriri weTSCZ.
Pamusoro pezvo, ndiProduct Development and Marketing Manager uye anokwanisa kubatika panhamba dzinoti 0772 110 898, WhatsApp 0716 000 507 kana padandemutande [email protected]

Share This:

Sponsored Links