Shirikadzi yabudirira nePfumvudza

05 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
Shirikadzi yabudirira nePfumvudza Mai Efia Mpofu

Kwayedza

PREMIUM

Patrick Chitumba

IMWE shirikadzi yekuGokwe ine makore 72 okuberekwa, iyo yaimborarama nekupemha, haisisiri murombo nekuda kwechirongwa chePfumvudza/Intwasa icho chaita kuti upenyu hwayo hubudirire.

Mudzimai uyu, amai vevana vatatu, akachera makomba 10 000 ePfumvudza/Intwasa nevana vake pamunda wake wakakura mahekita mana achitarisira kunaya zvakanaka kwemvura pamwe negoho guru.

Madzimai mazhinji ezera iri anowanzoita mabasa epamusha akadai mashoma, asi Mai Efia Mpofu vemubhuku raChitungwa kuWard 5 kwaMambo Njelele, kuGokwe South, kuchera makomba 10 000 ePfumvudza zvakavatorera mwedzi isingasviki mishanu kuti vapedze.

Nekuda kwekushanda nesimba kwavanoita, havachapemha uye vanoshandisa mvura yemupombi kumba kwavo, vatova nemombe sere nembudzi 12, zvimwe zvemucherechedzo wekubudirira kwavo.

[caption id="attachment...
Please subscribe to view this content.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey