Shona yakadzama

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUCHIKAMU chino tinoda kuvhanga zvirongwa zvakawanda zvakatsvagwa kubva mumapepa akanyorwa nevamwe vana. Apa ndaitsvaga zvandaiona kuti zvingabatsira pabvunzo.

Hatitangei kuongorora mabasa anoitwa navanhu vakawanda. Kare vanhu vaibatsirana mabasa kunyanya ekukohwa, kusakura nekupura zvinenge zvakohwewa.

Kana vaida kubatsirwa kupura rukweza, mapfunde, mupunga kana mhunga vaibika hwahwa hwekuti vanhu vanwe vachibatsirana kupura. Chirongwa ichi chainzi jakwara.

Kune dzimwe nzvimbo izvi zvichiri kuitwa uye vanhu vanoita jakwara vanotarisirwa kutsvaga mhuro dzekupurisa dzinova miti mirefu.

Paiunganidzwa tsero netswanda zvekuzoisa musvo, hundi ichisara paruware.

Kune inonzi hoka, humwe kana kuti nhimbe. Pachirongwa ichi kunobikwa doro rezvidhakwa nemapara evasinganwi pamwe nevaduku. Panobikwa zvakare zvidyiwa zvakasiyana uye zvakawanda. Humwe inoitwa panoda kusakurwa munda mukuru, kurima, kudyara kana kukohwa zvekudya apo vanhu vanozopihwa chikururamabhachi.

Kana vamboti shandei, vonozopihwa bukutaziya apo vanenge vombozorora vozopihwa mharadzamusasa kana vapedza kushanda vobva vaenda kudzimba.

Jangano chirongwa chekuti mhuri mbiri kana nhatu dzinowirirana kubatsirana basa vachiti vanosangana koumwe, voendzazve kwemumwe vachingodaro. Chikafu chejangano chinongoti chabikwa mudzimba dzose, chodyiwa pamwe chete.

Jana kana kuti dzoro rinoitwa pakufudza zvipfuyo. Vanhu vanopanana mazuva ekuti mumwe apedze achifudza, mumwe ozotorawo. Vanopanana mazuva akaenzana.

Hatimbodirai zvetsika dzedu tizvivhange tione. Vanhu vechitema vane nzira dzavo dzekutaura nadzo kana vachisvika pavanhu vanoita zvakasiyana-siyana vachiratidza unhu hwavo. Kana munhurume achisvika panovhiyiwa mombe kana mhuka anosvika achibatanawo nevamwe nekudaro anozopihwawo chirango chako chinobva pamakakava kana kuti makwazvo nemutsipa.

Kana uchisvika pane vanhu vari kushanda basa unoti vashumi. Vanhu vanenge vauya kuzobata mawoko parufu vanoti nedzoi dzinoparadza, munyayi achiuya kuzobvunzira mwanasikana watezvara anoti tauyawo kuzotsvaga sadza.

Vanhu vakuru kana vachibvunzana upenyu vanoti dzenyama chiromborowe. Panenge pazvarwa mwana tinoti makorokoto. Kana tichidya chikafu chatinenge tapihwa tinoti tishorewo kana pamusoroi tisati tadya.

Tochipinda zvakare mukudira tigovhanga nemitambo yekare. Kune mutambo waitwa uye chero nanhasi unoitwa, uya wokukumbira mvura kuti inaye. Panobikwa doro roendwa naro pasvingo rinoera ronokumikidzwa kumidzimu pachikumbirwa mvura kuti inaye. uyu unonzi mukwerera. Vamwe vanoti chipwa.

Pane mutambo unoitwa munhuri mushure memakore munhu afa kuri kudaidza mweya wake kuti udzoke mumusha kuzochengeta vapenyu. Mutambo uyu unoitwa muChirimo mwedzi waMbudzi usati wasvika. Kunonzi kurova guva.

Kune mitambo yengoma yainyanyoitwa munguva yeChirimo, kunyanya jena guru, apo vanhu vaisangana navasikana vaipfichuka zvakaomarara. Ndiro jiti. Kwaitambwa zvakare ngororombe nembakumba. Ticharamba tichingovhanga kusvikaira nguva yebvunzo yasvika.

Share This:

Sponsored Links