Shona yakapaswa paGrade 7

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Shona yakapaswa paGrade 7 Bjorn Stanford Bote achitaridza zvaakabura muGiredhi 7

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAMWE vana vechikoro avo vakanyora bvunzo dzeGrade 7 gore rino vanoti vari kufara zvikuru nekuti zvavakanyora zvakakurumidza kubuda izvo zvinopa vabereki mikana yekuvatsagira nzvimbo dzeFomu 1 nenguva uye pasina kumhanya-mhanya.

Vazhinji vevana vanoita hurukuro neKwayedza vakapasa mitauro yemuno seShona, Ndebele, Tonga neVenda izvo zvinoratidza kuti mitauro iyi yava kukosheswa muzvikoro izvo zvinofambirana nebumbiro remutemo wenyika.

Sithokozile Diana Chikono – uyo aidzidza paKnowe Primary, kuNorton, akabuda ne5 units, Shanyce Goremucheche (13) wepaDavid Livingstone Primary ne5 units kuchizoti Bjorn Stanford Bote (12) ane 5 units zvekare.

“Kutaura chokwadi ndinopa kutenda kuvabereki vangu avo vainditsigira mudzidzo nekuti havaitora kudzidza kwangu sebasa remurairidzi chete. Vaitoti kana vabva kubasa zvisinei nekuti vakaneta, vaindibatsira kuita basa randinenge ndapihwa nemurairidzi kuti ndinoita kumba.

“Iniwo ndagara hangu ndiri munhu ane shungu uye chido nechikoro nekuti dzidzo haidi kuita zvekumanikidzirwa,” anodaro Bjorn.

Zvisinei, vamwe vana vakakundikana kubuda zvakanaka pabvunzo idzi vakatiza ndokuramba kukurukura neKwayedza.

Kanzuru yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) yakazivisa nezvekubuda kwezvakanyorwa mubvunzo dzeGiredhi 7 ichiti kupasa kwevana kwakaderera kubva pachikamu che52,08 percent chegore rapera kuenda pa46,9 percent gore rino.

Sachigaro webhodhi reZimsec, Professor Eddie Mwenje, vanoti mumitauro yemuno, vadzidzi vakapasa zvikuru kusanganisira mutauro weSotho uyo wakapaswa nechikamu che68,48 percent.

“Mitauro yeShona neNdebele yakapaswa nechikamu che80 percent, Kalanga, Shangani neVenda zvikapaswa nechikamu chinodarika 70 percent, apo Tonga neNambya zvikapaswa nechikamu chinodarika 60 percent,” vanodaro.

Prof Mwenje vanoti zvakabuda mubvunzo idzi zvinoratidza kuti vana vepuraimari vari kubudirira zvikuru kubva mumakore adarika.

Zvisinei, Prof Mwenje vanoti pane kuderera pakupasa kwevana vakaremara kusanganisira vanoshandisa zvinyorwa zveBraile, zvinyorwa zvihombe (large print) nevasinganzwi (hard and hearing, physcical impaiments).

Share This:

Sponsored Links