Shoroma yapisira mudzimai mumba

23 May, 2022 - 16:05 0 Views
Shoroma yapisira mudzimai mumba Dare

Kwayedza

Abel Zhakata

MUNYAYA yemhirizhonga yemudzimba inoshamisa, muzvinabhizimisi wekwaMutasa kuManicaland, uyo ari pakati pekuramba mudzimai wake, anonzi akamupisira muimba yekubikira achibatsirwa nemushandi wake.

Mushakabvu Joyce Surudzo, anonzi ange achiramba kubuda muimba yewanano yavo achimirira kupera kwenyaya yekudamburwa kwemuchato iyo iri kudare guru reHigh Court apo murume wake anonzi akamupisira mumba.

Henry Elijah Surudzo (30) wekuWatsomba akatosungwa pamwe chete nemushandi wake, Tadiwa Mhere (20), wemunzvimbo imwe chete iyi.

Vaviri ava vakamiswa mudare reMutasa Magistrate Court pamberi pemutongi VaArtwell Sanyatwe vachipomerwa mhosva yekuponda sezvinotsanangurwa muchikamu chemutemo weSection 47 of the Criminal Law (Codification and Reform Act, Chapter 9:23.

Vakanzi vagare muhusungwa kusvika nemusi wa2 Chikumi uye vakanzi vanyorere bhera kuHigh Court sezvo vakatarisana nemhosva yakadzama inozivikanwa nekunzi Third Schedule Offence.

Muchuchisi VaTinashe Madziwa vanoti humhondi uhu hunonzi hwakaitwa nemusi wa11 Chivabvu.

“Nemusi wa11 Chivabvu munguva dzepakati pehusiku, mushakabvu Joyce Surudzo akanga akarara muimba yekubikira yaaishandisa seimba yake yekurara apo akaona chiedza. Akamuka kuti aongorore kuti chii chaiitika.

“Akavhura gonhi ndokuona murume wake akabata muchisi uyo akakanda pasi moto uchibva wabatira.

“Moto wacho wakazokura zvikamanikidzira mufi kuti adzokere mumba.

“Akatadza kupukunyuka nepafafitera sezvo paine simbi. Moto wakaramba uchikura, mushakabvu akashinga ndokupinda nemurimi remoto izvo zvakaita kuti atsve zvakanyanya,” vanodaro VaMadziwa.

Mushure mekupukunyuka, akazobatsirwa nevavakidzani avo vakamumhanyisa kuchipatara cheOld Mutare Mission Hospital.
Joyce akazodarikidzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital uko akanofira musi wa16 Chivabvu.

Dare rakanzwa kuti asati afa, akaudza vavakidzani kuti murume wake nemushandi wake ndivo vainge vamupisira mumba.

Zvakazoonekwawo kuti vaviri ava vaigara vachinetsana zvikaita kuti Joyce atore gwaro redziviriro kubva kumurume wake.

Matikitivha aiferefeta nyaya iyi anonzi akaona kuti pane zvinhu zvinopfuta zvinenge mvura isingazivikanwe zvakashandiswa pakapisira mudzimai uyu mumba.

Nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dziri kuratidza kuwanda mazuva ano muZimbabwe.

Ongororo yakaitwa munyika yeDemographic and Health Survey yegore ra2015, inoratidza kuti vanhukadzi vanodarika chikamu che35 percent vemakore ari pakati pe15 ne49 okuberekwa vakarohwa nevavanodanana navo.

Share This:

Sponsored Links