Siirai vana nhaka: Gringo

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Siirai vana nhaka: Gringo Lazarus ‘Gringo’ Boora (kuruboshwe) aine mwana wake Taurai ‘Gringoldinho’ Boora

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yemadhirama Lazarus ‘Gringo’ Boora anoti zvakakosha kuti vabereki vari mune zvemitambo yakasiyana yakadai semadhirama kana mhanzi vadzidzise vana vavo vachiri vapenyu kuitira kuti vazozive gwara rekutevera mune remangwana.

Gringo — uyo vazhinji vanoziva achibuda pamadhirama nemafirimu akasiyana —  iye zvino ari kufamba nedangwe rake, Taurai ‘Gringoldinho’ Boora (25) uyo ave kuitawo zvemadhirama uye basa rekutandadza vanhu pamichato nepamafaro akasiyana.

Muhurukuro neKwayedza, Gringo anoti vana vevanoita zvemadhirama kana vaimbi dzimwe dzenguva vanotatarika vave kuda kutevera matsimba evabereki kana vachinge vafa.

“Tinoona vana veshasha dzakaita mukurumbira vachitatarika zvikuru nekuda kwekuti vabereki vavo vachiri vapenyu havadzidziswe basa ravaiita. Saka vabereki ngavadzidzise vana vafambe navo kwavanoenda vachiona vachiita basa ravo.

“Ini pandiri ndipo pane mwana wangu, tiri tese kwese-kwese senzou nemhuru yayo. Ndinoda kumusiira nhaka yangu uye ndichimudzidzisa basa iye ega achidzidzawo.

“Mubasa iri unosangana nezvakawanda, dzimwe dzenguva unovharwa saka anofanira kuzvionera kuti akasvika pakadaro anoita sei kuti asavharwe. Chimwezve chikuru kuzvibata pazvese zvaanoita,” anodaro Gringo.

Gringoldinho anotiwo kufamba nababa vake kuri kumuvhurira mikana yakasiyana uye kumubatsira mubasa rake.

Anoti ari kushanda nesimba kuti agove nemukurumbira wakadarika wababa vake.

“Kufamba nababa kunondibatsira chaizvo mubasa rangu uye ini ndinofara nekuti mudhara anonditsigira kana paine ndima inenge ichida kushandwa.

“Vanondiraira uye kundirakidza gwara chairo rekufamba naro. Kana iniwo ndega ndiri kutoona kuti zviri kundibatsira mubasa rangu,” anodaro.

Vaviri ava vari kushanda pamwechete mune rimwe dhirama iro rakanyorwa naGringoldinho uye vari kutsvaga vakotsveri vekuti vavatsigire mukuribika.

“Ndine dhirama randakanyora iro ndichange ndina mudhara, tichiri kumbotsvaga vakotsveri kuti vadire mari tigotanga kuribika. Asi zvimwe zvese zvakatoita,” anodaro Gringoldinho.

 

Share This:

Sponsored Links