‘Sikarudzi yose pepepe dhu . . .’ ‘ndakadyiwa nezvidhoma’

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Sikarudzi yose pepepe dhu . . .’ ‘ndakadyiwa  nezvidhoma’ VaPaminous Chinawa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuCashel Valley, kuChimanimani —uyo pari zvino ari kugara mumusha weUnit L Extension, kuChitungwiza — haasisina sikarudzi yake zvachose, iyo yaanoti yapera nekupfupfunyuka zvichibva mukunanzwa kwainoitwa nenyoka nezvikwambo.

VaPaminous Chinawa (47) vari panguva yakaoma — havasisina nhengo yavo yakavandika — iyo yavaimbova nayo, mushure mekunge yapera yose nekunanzwa nezvinhu zvavasinganzwisie.

“Handisisina sikarudzi tarisai muzvionere, hapachisina chinhu,” vanodaro, murume mukuru achifugurira Kwayedza uye achida kusvimha misodzi nekurwadziwa.

“Ndangofanana nemukadzi pandiri pano nekuda kwehuroyi hwemumusha mangu. Nhengo yangu yapera yose nekunanzwa nenyoka nezvikwambo kana zvidhoma. Izvi hanzi zviri kuitwa nehama yangu yepedyo,” vanodaro varere pamubhedha kumba kwavo.

Vanoenderera mberi: “Ndaizvishandira zvakanaka ndiri kuNamibia uko taibatsirana navadzimai vangu. Nekuda kwematambudziko aiva atarisana nemusha vanhu vachingofa, ndakazotaura nababa kasingaperi tikazounza maporofita nen’anga dzakawanda mumusha pasina chakabatsira. Ndipo pandinonzi takatorana nazvo, ndichinzi ndinoda kuona manhingi ndokubva ndapihwa chitsinga nekutumirwa nyoka nezvidhoma.”

Kwayedza yakazvionera kuti murume uyu haasisina sikarudzi yake yose uye panzvimbo payaive pangova neronda rakakura iro rinorwadza kuritarisa.

VaChinawa vanoti mumusha mavo makabviswa zvinhu nen’anga zvainzi zvikwambo, izvo vasina kugutsikana nazvo.
“Dambudziko rangu rakatanga apo pakarwara baba ndikavarapisa vachigara pamba pangu. Ndakavaratidza kabundu kandaimera vakanditi chinogona kuva chivanhu uye vaizondirapisa kana vatengesa mombe.

“Takazofamba tose neimwe hama yangu yepedyo, iyo yakanonangwa kuti ndiyo inokonzeresa dambudziko rangu. Hama yepedyo iyi inonzi yakaenda kun’anga yekuMozambique ichida mishonga yekurima neyekuti ikwiridzirwe kuchechi,” vanodaro. VaChinawa vanoti amai vavo, Mbuya Miria Chinawa Mhiyangwa (75), vapedza makore mashanu vasina kudzokera kumusha nekuda kwehurwere hwavo.

“Mumusha medu mafa vanhu vakawandisa, vanosanganisira mukoma wangu Daniel nevamwe.
“Nyoka nezvikwambo zvinobva kumusha kwedu ndizvo zvaita kuti ndive mudzimai nhasi. Sezvamuri kungozvionera, handisisina chinhu chinoratidza kuti ndiri murume.

“Ndakafamba kuzvipatara zvakawanda ndichitariswa nemachiremba, cancer yandaifungira haina kuonekwa. Ndakachekwa nyama ikatariswa, iye zvino ndine ronda riri kuzasi machiremba vakatoneta kudzimara ndagara pano pamba. Ndangomirira kufa uye handisisina mari.

“Ndinongotenda mukadzi wangu uyo anomira neni panguva yakaoma kudai,” vanodaro VaChinawa.
Vanoti kunze kwekunanzwa nenyoka, vanorotawo hope dzinotyisa.

“Ndakaenda kuzvipatara, kun’anga nekumaporofita asi hapana chakabatsira. Ndapererwa.
“Kwese kwandinoenda ndinonzi inyoka nezvikwambo zvinondinanzva izvo zvapedza kundidya nhengo yangu.

Handichakwanisa kumuka kana kufamba, ndinogezeswa nekuitira tsvina pamubhedha, weti inongobudawo yoga,” vanodaro.
Mudzimai wemurume uyu, Mai Prisca Chadamunhu (43), vanoti hurwere hwemurume wavo hunoda kuti vehukama vaise misoro pamwe chete.

“Ndine dambudziko, mufunge izvozvi chipfuva changu chave kurwadza nekutakura murume wangu kubva pamubhedha nekumugezesa nezvimwe sezvo asisakwanise kufamba.

“Ndine shungu kuti sei dzimwe hama dzake dzepedyo (mazita tinawo) dzisingauye kuzomuona kana kufona zvako. Chishuwo changu kuti dai arapwa agona zvake kufamba oshandira mhuri yake, vana 4 vatinavo ivava,” vanodaro.
Mbuya Mhiyangwa vakachema pamberi peKwayedza vachitsanangura hurwere hwemwana wavo.

“Mwana wangu hapasisina, haachisiri murume, haana chinhu. Ndinoda kuti ararame agone kufamba agoshandira mhuri yake. Ini ndava nemakore mashanu ndisina kudzokera kumusha asi dzimwe hama dzake hadziuye kuzomuona, handizive kuti vakatadzirwa chii,” vanodaro vachichema.

Kune vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhare dzinoti 0717 227 371 kana 0775 998 043.

Share This:

Sponsored Links