Uncategorized

Simbisai hondo yeCovid: WHO

24 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
Simbisai hondo yeCovid: WHO

Kwayedza

Tandayi Motsi
SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti zvakakosha kuti hurumende dzisimbaradze zvirongwa zvekurwisa chirwere cheCovid-19 panguva iyo denda iri riri kunyuka zvakasimba kechipiri kumatunhu anosanganisira Europe neNorth America.

Mashoko aya akataurwa nemukuru weWHO, Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus nemusi weMuvhuro muchinyorwa chakatumirwa nesangano iri mushure mekunge vaita musangano nevatori venhau kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland, apo vaizivisa nezvekushanda kwavo neboka reKim Sledge mukurwisa Covid-19.

Vanoti hurumende dzinofanirwa kutora matanho ekusimbaradza zvirongwa zvekumisa kupararira kweCovid-19 nechinangwa chekuchengetedza upenyu hwevanhu.

“Izvi zvinoreva kuti panofanirwa kuzivikanwa vane chirwere ichi, voiswa kunzvimbo dzavo voga, zvoonekwa kuti vari kurapwa nemazvo here pamwe chete nekuchengetedza utano hwevashandi vezveutano nevamwe vanokwanisa kutapurirwa nyore denda iri,” vanodaro

Dr Tedros vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vachitevedzera matanho ekumisa kupararira kwechirwere ichi.

“Tose tine chikamu chatinofanirwa kuita.

“Kusaita chitsoko-tsoko, kupfeka mamasiki nenzira kwayo nekusaenda kunzvimbo dzinoungana veruzhinji kana zvichikwanisika.

“Ndinozviziva kuti kune vamwe vasvika padanho rekuneta nekuda kwedenda iri asi kana tikavarairwa rinodzoka zvakare rokanganisa utano hwedu.”

WHO, vanodaro Dr Tedros, inofara zvikuru kushanda pamwe chete nesangano reKim Sledge mukurwisa chirwere ichi.

“Ndinofara kuzivisa kuti WHO inoremekedzwa nekushanda neKim Sledge. Pamwe chete, nhasi tiri kuzivisa mavambo ekushanda semhuri itsva muzvirongwa zvepasi rose zvekurwisa Covid-19,” vanodaro.

Vanoti WHO inoshushikana kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kukwira, kunyanya kuEurope nekuNorth America asi vanonzwa kukurudzirwa kuti hutungamiriri hwenyika dziri kumatunhu aya huri kutora matanho akasimba ekumisa kupararira kwedenda iri.

“Apo divi reNorthen Hemisphere rave kupinda mumwaka wechando, tiri kuona kuwanda kwevari kubatwa nechirwere ichi, zvikuru kuEurope neNorth America.

“Zvinopa tariro kuona vatungamiriri vachitaura nevanhu vavo pamusoro pematanho akasimba ari kutorwa kumisa kupararira kwechirwere ichi nekuchengetedza utano hwevashandi.

“Panguva iyo nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi dziri kuwanda, huwandu hwevanoda kubatsirwa muzvipatara huri kukwirawo,” vanodaro.

Dr Tedros vanoenderera mberi vachiti, “Pari zvino vanamukoti nanachiremba vave kunzwisisa zvikuru kuti vanhu vanenge vaine Covid-19 vanobatwa sei kana zvichienzaniswa nepatakanga chirwere ichi.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey