Simon Chimbetu orangarirwa

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Simon Chimbetu orangarirwa Simon Chimbetu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUIMBI wemusambo weDendera anogara kwaMurehwa anoti ari kutevera matsimba evaimbi vaive nemukurumbira vanoti Simon Chimbetu naNaison Chimbetu uye akatobura dambarefu rake rekutanga rinonzi “Ndafunga Simon” senzira yekurangarira mushakabvu uyu.

Prince Simbarashe Kapuka (35) – uyo anobva mumusha waSabhuku Zaranyika mudunhu raMambo Mangwende –  anoti akatanga kuimba kare apo aimboridza musambo weSungura.

“Vanhu vaindinzwa nekunditeerera panguva yandakatanga iyi ndivo vakazondipa zano rekuti musambo wangu waiva wakanyanya kurerekera kuDendera. Izvo ndakateerera ndokusandura musambo wangu kuuendesa kuDendera unova musambo wandakakura ndichiteerera uyewo nekuufarira. Nyanzvi dzemhuri yekwaChimbetu dzinoti Simon naNaison Chimbetu ndaivafarira zvikuru zvekuti pose pandaiva ndaiwanikwa ndichiimba nziyo dzavo,” anodaro Kapuka

Anoti dambarefu iri – Ndafunga Simon – nderekurangarira muchakabvu Simon kuburikidza nekumufarira uko aimuita pamwechete naNaison.

“Kambo Ndafunga Simon ndiko nhangaruvanze apo mumashoko angu ndinoimba ndichichema nekurangarira Simon Chimbetu gamba remumhanzi munyika muno vakavamba musambo wavo wemumhanzi usingapere kusvika narinhi.

Prince Simbarashe Kapuka akabata dambarefu rake idzva

“Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri ndedzinoti Chibvumirano, Christabella, Baby Face, Huya Titambe naZimbabwe,” anodaro Kapuka.

Anoti akatanga kunyora nziyo mugore ra2000 ndokuzotanga kuimba muna2008.

Kapuka anoimba nechikwata chake cheMurehwa Kings uye aimboimba neMurehwa Sounds ndokuzovamba chake.

Muchinda uyu anoti haana midziyo yekushandisa yakakwana inosanganisira magitare, madrums, keyboard nezvimwe nekudaro ari kutsvaga rubatsiro kune vanokwanisa kumubatsira.

“Ndinonyora ndoga nziyo ndozobatsirana nevamwe kuisa mashoko pasi nekuti afambirane nemagitare nemaridziro emadrums ndichizviita nevamwe vanhu vanokwana vashanu. Handisi kuita zvangu ndoga, mhuri yekwaChimbetu inoziva nyaya iyi sezvo ndinotaura navo zvikuru uye vari kutondisimbisawo kuti ndisimukire. Ndine chishuwo chekuridza navo semunhu anofarira musambo wekumhuri yavo,” anodaro Kapuka.

 

Share This:

Sponsored Links