‘Simudzirai zvipo zvevana’

05 Mar, 2020 - 11:03 0 Views
‘Simudzirai zvipo zvevana’ Batsirai Shasha (kurudyi) naamai vake Florance Chaurura (kuruboshwe)

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

Mukomana wechidiki ari kusimukira mumusambo wechitendero neAfro-Jazz anoti chipo chake chakatanga achangozvarwa apo aiita ruzha rwakanyanyisa uye zvakakosha kuti vabereki vasimudzire matarenda evana vavo

Batsirai Shasha (23), uyo anogara kuGreendale muguta reHarare, anoti chipo chake chekuimba aka- bva nacho mudumbu raamai vake apo akangobarwa achiita ruzha rwekuimba zvinova zvinotsinhirwa naamai vake.

“Ini ndakatozoona kuti chipo chekuimba chiri mandiri ndava muGiredhi 3 apo ndaidzidza paN- yawaro Primary School kwaRusape. Ndakaimba tiri paassembly chikoro chese chikadaira. Izvi zvakandipa manyuku-nyuku zvekuti kunyangwe varairidzi vangu vakaona zvakakosha kuti ndinge ndichitungamiririra zvirongwa zvekwaya pachikoro,” anodaro.

Anoti anopa kutenda kukuru kuna amai vake Florance Chaurura avo vanomutsigira mune zvese. “Ndingati hangu hapana chandinoshaya nekuda

kwaamai vangu ava. Vakatosiyana navamwe vanaamai vanoshora vana vanoda kupinda munyaya dzekuimba nekuti vanenge vachiti ndezvehurombe. Kunyangwe kumabhawa kwatinoita mashoo vanondiperekedza nekuti vane rudo rwakanyanya neni,” anodaro.

Dambarefu rake rekutanga iri ratova pamusika rine musoro unoti “First of Many”.

“Dambarefu iri ndakabatsirwa naamai vangu

kuripa musoro uyu nechikonzero chekuti ndine mamwe madambarefu anodarika 50 ari kutevera asati atsikiswa asi ndakatomanyora. Ndinoti kana zviya ndiri kutsi kwehope ndikangofunga rwumbo ndinobva ndangopepuka ndonyora pasi zvekuti kunotoedza ndava kutoimba. Ndinoti Mwari ndivo vanondifemera uye handineti,” anodaro.

Dambarefu iri rine nziyo nomwe dzinoti “Gore Reminana”, “Batsirai Mweya Wangu”, “Nyarara Kuchema”, “Ndakaona Ropa”, “Agape”, “Ndakunda Nenyasha” na”Panobudika”.

Mukomana uyu anoti haasi kumira sezvo ari kutar- isira kuparura dambarefu rake repiri munaKurume gore rino rine musoro unoti Hombarume uye ano- imba zvekare musambo weAfro Jazz.

“Mushure mekudzidza nezvechipo changu nda- kazovandudza dzidzo yangu ndapedza A-Level ndakabva ndanoita dhigirii rezvekuimba (Degree in Music Business, Musicology and Technology) kuMid- lands State University. Nditori munhu ane musiyano nemuimbi asina kufunda nekuti kune zvakawanda zvatakadzidza zvinovandudza kuimba kusanganisira ruzivo rwechizvino-zvino, kushandiswa kwemag- itare, key board nekubudiswa kwemazwi nenzira yakaumbiridzwa zvakanaka zvinobva mukudzidza,” anodaro.

Amai vake vanotsinhira vachiti mwana wavo vakamubara achiimba uye vacharamba vachitsigira chipo chake.

“Mwana wangu handisi kuzomusiya ega, kana mumabhawa kwaanoridza ndinenge ndiripo. Ndi- noda kuti agovawo muimbi ane mukurumbira akadai sanaJah Prayzah namushakabvu Oliver Mtukudzi, pakati pevamwe. Kana isu vabereki tikasatsigira zvipo zvevana ivo vasina pekutangira anozovatsi- gira ndiyani? Batsi pandakamusununguka aingoita ruzha zvekuti hapana aigona kumunyararidza ndipo patakaona kuti ane chipo chekuimba. Vabereki ngatidzidzei kuumba zvipo zvevana kwete kuvatuka tichiti vanotinyaudza nekuti dzimwe nguva muku- taura imomo ndimo mune chipo chake. Handi vese vana vanopedza chikoro vachinoshanda mabasa ekumahofisi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey