Uncategorized

‘Sisi vari kundinyima . . .’‘Nyoka Yeraki’

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
‘Sisi vari kundinyima . . .’‘Nyoka Yeraki’ Tobias Mukumbatwa

Kwayedza

Courtney Munodawafa naNyasha Bvudzijena

HADZVADZIKOMANA nehanzvadzisikana vanogara kuDomboshava vari kumisidzana mudare redzimhosva vachirwira nyoka iyo inonzi yapanduka kubva pamushonga weraki wavakapihwa vari pamwechete neimwe n’anga yekuEpworth mushure mekunge vakanganisa kutevedzera mhiko dzacho.

Sesu Mukumbatwa akamhan’arira Tobias Mukumbatwa nemwana wake, Lovemore Mukumbatwa, kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rinomudzivirira apo ari kuti vaviri ava vari kumushungurudza nenyaya yenyoka iyi vachimuti muroyi.

Sesu anoti Tobias anouya kumba kwake achimutuka nekumutyisidzira nerufu.

Mutongi Gladys Moyo akapa Sesu gwaro rinomudzivirira.

“Tobias anouya kwandinogara achindipumha huroyi. Akauya nebanga akandiudza kuti kunyangwe ndikamuendesa kumapurisa hazvina basa, anondibaya chete asi handizive kuti anozviitirei?” anodaro Sesu.

Anoti hanzvadzi yake munhu asingagone kugara nevakadzi zvakanaka uye aita madzimai anopfuura mashanu achingosiyana navo izvo zvasaka kuti atore mwana wake – Lovemore – kuti agare naye achimuchengeta.

“Lovemore mwana waTobias uye ndini ndakamuchengeta. Taigara tose zvakanaka tichiwirirana asi akazondipandukira, ndava kunzi ndinoda kumuuraya. Asi ndini ndakamuyarutsa kusvika aroora mudzimai waanaye nhasi — zvose ndichimuitira,” anodaro Sesu.

Tobias akaudza dare kuti hanzvadzi yake haisi kutaura chokwadi chenyaya yavari kunetserana.

“Mutongi, ini nehanzvadzi yangu tine nyoka yakapanduka kubva pamushonga watakatsvaga mazuva ataifamba tose tichiwirirana uri wekuti tiite mari sezvo bhizimusi rangu rekukanya zvidhinha rakawandirwa.

“Mazuva acho ndakaita mari asi mushure mekukundikana kuzadzikisa mhiko dzatainge taudzwa kwatakapihwa, mushonga uyu wakatanga kundipandukira,” anodaro Tobias.

Sesu Mukumbatwa

Tobias anoti mushure mekushungurudzwa nenyoka iyi, akazopotera kumaporofita ayo akamuti auye nemushonga wenyoka uyu asi hanzvadzi yake iri kurambira nayo.

Ipapo pakurambira nemushonga kana kuti nyoka iyi ndipo pasimudza nyaya, sekutaura kwaTobias.

Hanzvadzikomana anoti ari kufungidzira kuti hanzvadzisikana yake yave kushandisa nyoka iyi kuti imurwise muwanano yake nekuti haasi kugara nevakadzi.

“Ndakatotiza pamba pangu nekuti husiku nyoka iyi inouya yorara nesu pamubhedha – pakati pangu nemukadzi wangu. Yakatomborara nemudzimai wangu akazopepuka achifunga kuti ndini,” anodaro Tobias.

Anoenderera mberi: “Kuti tiwane nyoka iyi, takaenda kun’anga yekuEpworth tikapihwa uri mushonga wainzi mukoka uyo waikoka makasitoma. Zvakatomboshanda panguva yacho, ndaikanya zvidhinha. Sisi ndivo vakati tiende kun’anga iyi, mushonga uyu takaupihwirwa kurwizi mwana wangu akaiona nyoka iri mumvura n’anga ikati tisiyane nazvo.”

Tobias anoti haachakwanisa kugara nemudzimai nekuda kwenyoka iyi.

“Nyoka iyi yapanduka zvekuti pose pandinoroora, ndinonetsana nemudzimai kana kuti mwana anonetsana nemudzimai wangu kusvikira aenda. Ndine vakadzi vakawanda vandaita asi vachienda.

“Mukadzi wandinaye zvino aiinzwa nyoka iyi asi ndichizviramba semunhu aiziva zvaainge akabata-bata. Apa ndinotamba zvinyau futi,” anodaro.

Tobias anoti nyoka iyi inouya husiku hwoga ichida kushinha nemudzimai wake.

“Inodzoka manheru oga-oga. Mudzimai wangu haaione asi anoinzwa nekutonhorera. Inini ndini ndinoiona painoda kuita mudzimai wangu mukadzi. Inouya pakati pedu tirere uye mudzimai wangu ave kuzviziva kuti inyoka nekufamba kwatakaita,” anodaro.

Lovemore akaudza dare kuti akatanga kusawirirana natete vake apo paakaroora sezvo akange ave kushandira mhuri yake. “Ndaigara nevamwe tete avo vakazoshaya vakasiya vanditi unovaka zvako pamba kana wave nemhuri. Tete ava vaindishandisa asi ndava nemudzimai, ndakazenge ndava kuzvishandira. Nyoka handisati ndaiona asi taiinzwa tiri kwababa uye mudzimai wangu akaiona ichifamba pamusoro pemba. Hongu, kurwizi nyoka ndakaiona,” anodaro Lovemore.

Sesu anoramba kuti akaenda kun’anga akanoromba mishonga yakaipa nehanzvadzi yake.

“Handina pandakafamba navo. Kumvura takaenda nekuti sisi vangu vainzi vane shavi renjuzu, asi mwana ichokwadi akaona nyoka iri mumvura. Tinofamba semhuri kwose kwatinoenda.

“Mudzimu wakataura kuti Tobias akabata-bata mushonga wekuda mari iye akazvibvuma uye patori nemumwe mudzimai wake akafa. Mari yandakavakisa kumusha ndeyepenjeni yemurume wangu yeNSSA,” anodaro Sesu.

Anoti hanzvadzi yake iri kufunga kuti muroyi sezvo ane upenyu huri nani kupinda hwake.

Share This:

Sponsored Links