Sista to Sista yobatsira

13 Dec, 2022 - 17:12 0 Views
Sista to Sista yobatsira Sharon Muchadakuenda

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

CHIRONGWA cheSista to Sista chinonzi chiri kubatsira zvikuru vanasikana mukuvapa chenjedzo yezveutano hwavo, kuzvidzivirira kubva mukubatira pamuviri nekutapurirwa hutachiona hweHIV.

Chinoitwa nesangano reNational AIDS Council (NAC) uye chatekeshera nenyika yese. Vamwe vevasikana vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi ndevekwaMurehwa, kudunhu reMashonaland East.

Vatungamiriri venzvimbo iyi vanoti chirongwa ichi ndicho chave kushanda semadzitete sezvo chichipa vanasikana vabva zera nemadzimai echidiki mukana wekupangana mazano.

“Kare kwaiva nemadzitete aibatsira kurovedzera vanasikana kuti vaite tsika dzakanaka uye kudzidzisa zvakasiyana zvine chekuita netsika nemagariro. Asi kuparadzana kwevanhu mumhuri kwakadzima zvose izvi, vana vave kungokura vasina rairo yakakwana.

Sabhuku Kasirori

“Sangano reNAC riri kutigonera nekuda kwechirongwa cheSista to Sista nekuti vasikana vave kupangana mazano pamwe chete nemadzimai echidiki. Havachambunyikidzwa nenzira dzakasiyana nekuti vave kuziva kodzero dzavo,” vanodaro Sabhuku Kasirori, VaBenson Kasirori, vekuWard 17 kwaMurehwa.

Youth Officer weNAC kwaMurehwa, Sharon Muchadakuenda, anoti chirongwa ichi chiri kubatsira kuderedza kupararira kwehutachiona hweHIV kuvasikana.

“Tiri kuita zvikwata zvevasikana vabve zera nemadzimai echidiki, kunyanya kubva pamakore gumi okuberekwa kusvika pamakumi maviri nemana. Tiri kutorawo vanasikana vari muzvikoro nevakasiya chikoro tichivabatanidza kuti vazive kukosha kweutano hwavo uye kuti vagone kuzvichengetedza kubva mukutapurirana HIV.

“Zviri kubatsirawo zvakare kuti vanasikana vasakasira kuita zvepabonde uye vagara vachizviita, vazive nzira dzekudzivirira uye vave pamushonga, tovakurudzirawo kuti vatore mishonga yavo nekunwa nenguva,” anodaro.

Muchadakuenda anoti vari kukurudzira vasikana kuti vapinde mumabhindauko anoita kuti vazvishandire mari dzavo uye vasakwezvwa nemari nevarume vechikuru.

Mumwe wevasikana vari muchirongwa ichi, Kudzai Nyabusha, anoti chakamubatsira zvakanyanya sezvo akawana ruzivo maererano nezveutano hwepabonde uye akakwanisa kuonawo chipo chake.

“Ndava nemakore mashanu ndapinda muchirongwa icho chiri kundipa ruzivo, kunyanya nzira dzekudzivirira kutapurirana zvirwere zvepabonde kusanganisira HIV, kudzidza kuzvimiririra semwanasikana uye kuziva nezveutano hwangu.

“Chirongwa ichi chakandibatsirawo kuona tarenda rangu rekuimba nekuti tinoita zvakasiyana patinosangana zvinoita kuti tidzidze zvakawanda uye kuona zvipo zvatiinazvo,” anodaro Nyabusha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>