Siyai vana vakure: Captain Manex

03 Nov, 2022 - 13:11 0 Views
Siyai vana vakure: Captain Manex Captain Manex

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weSungura – Emmanuel Chipucha – uyo vazhinji vanoziva saCaptain Manex, okurudzira veruzhinji kuti vabatane mukurwisa nyaya dzekushungurudzwa kwevanasikana pamwe nekupedza kuroodzwa kwavo vasati vabva zera.

Captain Manex, uyo anotungamira chikwata cheOchestra Horizon, anoti nyaya dzekushungurudzwa kwevanasikana, kubatwa chibharo nekuroodzwa vachiri vadiki dziri kuwanda mazuva ano.

“Vanasikana vedu vakatikoshera zvikuru saka tinofanirwa kuvachengetedza kubva kunhubu dzinovashungurudza. Ibasa redu isu vaimbi neruzhinji kuti tirwire kodzero dzavo, tipedze kushungurudzwa kwavanosangana nako uku.

“Ngatikoshese dzidzo yavo, vaende kuchikoro vawane fundo kuitira kuti vagozvimirira muupenyu hwavo mune remangwana. Ngatisamhanye kuvaita madzimai nguva isati yakwana, ndapota hangu,” anodaro Captain Manex.

Muimbi uyu ane kambo kanonzi Handina Kubhinya ako kanoshora vanhu vanobhinya nekushungurudza vanasikana.

Captain Manex anoshorawo vabereki vanoromba vanozopedzisira vasiira mutoro kuvana vavo.

Izvi anozviburitsa nekambo kanonzi Pfuma ako kanotaura nekuromba kunoita vamwe vabereki zvinozoshungurudza vana vavo mune remangwana.

“Kuromba kwakaipa, kunongounza nhamo nematambudziko kuvana chete mune remang wana. Vabereki ngatishandire vana vedu, tivasiire nhaka yakanaka kwete kuvasiira mutoro mune remangwana,” anodaro.

Kubva apinda mune zvemhanzi, Captain Manex akwanisa kuburitsa dambarefu rimwe chete rinonzi Mhezi yeRudo iro akaparura gore radarika.

Dambarefu iri rine nziyo dzinoti Pfuma (Malume), Mhezi yeRudo, Matemai, Handina Kubhinya uye Mwanangu Shayne.

Share This:

Sponsored Links