‘Siyai zvekuitisa maextra lessons’

23 Jun, 2020 - 11:06 0 Views
‘Siyai zvekuitisa maextra lessons’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti iri kushushikana nezviri kuitwa nemamwe maticha ayo ari kuitisa vana vechikoro zvidzidzo zvema”extra lessons” zvisiri pamutemo izvo zvinovaisa panyatwa yechirwere cheCovid-19.

Zviri kuitwa nematicha aya zvinopesana nemitemo yenyika iyo yakananga kurwisa kupararira kweCovid-19 kusanganisira unoti vanhu vasaungane panguva ino yelockdown asi kuti vagare kudzimba.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti maticha ose ari kutyora mutemo nekuita ma”extra lessons” anofanirwa kusiyana netsika iyi.

“Kune mamwe maticha ari kuitisa vana zvidzidzo zvema”extra lessons” izvo zvisiri pamutemo vachityora mirawo yelockdown. Maitiro akadai, ayo anoisa upenyu hwavana ava panjodzi, anofanirwa kuregerwa izvozvi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti segadziriro yekuvhurwa kwezvikoro munguva pfupi iri kutevera, zvinofadza kuona kuti zvikoro zvakawanda hazvichashandiswa senzvimbo dzekuchengetera vanhu vanobva kunze kwenyika panguva iyo vanenge vachiongororwa utano hwavo sezvinodiwa pasi pemutemo.

Chikamu chekutanga chekuvhurwa kwezvikoro zvepuraimari nesekondari chiri kutarisirwa kutanga nomusi wa28 Chikunguru, zvisinei nekuti kanzuru yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) inoti kunyorwa kwebvunzo dzemuna Chikumi kuchatanga nomusi wa29 Chikumi kusvika 22 Chikunguru sezvo kuine nzvimbo dzekunyorera 800.

Izvi zvinoreva kuti vadzidzi veFomu 6, Fomu 4 neGiredhi 7 ndivo vachatanga kuenda kuchikoro mukupera kwemwedzi waChikunguru apo veLower 6, Fomu 3 neGiredhi 6 vachizotevera mushure memasvondo matatu.

Vamwe vana vanozoendawo kuchikoro mushure mezvimwe zvikamu zvitatu sezvo pachange pachitariswa nyaya dzekuchengetedzwa kweutano kuti dzinge dzichigadziriswa muzvikoro senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Izvi zvinobatsira bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari kuti ritaure nevabati vehomwe nevamwe vatsigiri kuti vaunganidze zvinodiwa mukushandisa pabasa iri.

Muchikamu chepiri mushure memasvondo matatu, vadzidzi vari kugadzirira kunyora bvunzo gore rinouya ndivo vachange vave kuenda kuchikoro.

Muchikamu chetatu, vadzidzi vesekondari vachienda kuchikoro uye vepuraimari vanosanganisira Giredhi 3, 4 ne5 vachavhurawo. Vamwe vadzidzi vemagiredhi madiki vekupuraimari vanozoenda kuchikoro kupera kwemwedzi waGunyana.

Pachazosvika chikamu chechina, makirasi ose anenge asisina nzvimbo nekuda kwechirongwa chekupatsanurwa kuchaitwa vadzidzi senzira yekudzivirira Covid-19. Panguva iyi, vana veGiredhi 1 ne2 ndipowo pavanezenge vava kudzokera kuchikoro.

Vachapedzisira kuenda kuchikoro vana veEarly Child Development (ECD).

Pari zvino vamwe vadzidzisi vari kufundiswa nezveCovid-19.

Sezvo vana vechikoro vachiri kudzimba, kunonzi kune maticha ari kutora mukana wekunonoka kuvhurwa kwezvikoro uyu nekuunganidza vana mudzimba vachivadzidzisa mushure mekunge vabhadharwa.

Mamwe ematicha aya anonzi anobhadharisa nemari dzekunze.

Share This:

Sponsored Links