Siyanai naMadam Boss: Vaverengi

17 Oct, 2019 - 16:10 0 Views
Siyanai naMadam Boss: Vaverengi Madam boss(varipakati)nevatsigiri vavo.

Kwayedza

Abel Ndooka

VATSIGIRI vanotevera Tyra Chikocho – uyo anozivikanwa saMadam Boss – vari kupa mafungiro avo akasiyana-siyana zvichitevera kubuda kwaari kuita achizvishambadza padandemutande apo akapfeka mbatya dzekutuhwinhisa uye pamwe aine kachikabudura.

Madam Boss (34) mudzimai waNgoni “Mhofela” Munetsiwa – uyo anovazve maneja wake – uye anoti haasi kukanganiswa nemavhidhiyo ake ari kutenderera paWhatsApp nepaFacebook apo anobuda akapfeka zvipfeko zvekutuhwinhisa uye “nekachigwishu” kechikabudura izvo zvinosiya dzimwe nyama dzemuviri sezvidya nemagadziko ake zvakati yacha panze.

Vamwe vatsigiri vaMadam Boss vaenda papeji reKwayedza repaFacebook ndokupa pfungwa dzavo pamusoro penyaya iyi zvichitevera kubuda kwayaita mupepanhau rinosusukidza tsika nemagariro iri.

Hezvinoi zvimwe zviri kutaurwa nevatsigiri vaMadam Boss paFacebook:

Linet Mazorodze: Madam Boss pfeka zvaunoda iwe musaita godo nxaaaa.

* * *

Tania Mwananyoka: Tibvirei apa basa kuwisirana pasi chete, ndozvega zvamaona pana Tyra izvozvo . . . ndosaka mukutenga chingwa che$16.

* * *

Ishamael Gwatiringa: Angagoti kudii, handiti kutsvaga mari here, chiri mumari chakagozha zvokwadi, ndabvuma.

* * *

Sherly Chipindu: mind yr hokosi imi nekuti aita muZimba aaaa tibvireyi.

* * *

Tsitsi Joyce Charangwa: Learn to mind yr hokosi vanhu zvine basa reyi munhu anopfeka zvaanoda.

* * *

Perpetua Tirivangasi: kana murume wake achimutendera apana chakaipa.

* * *

Juliet Chamisa: Zvine basa rei nemi izvozvo.

* * *

Fungai W Chikanda: Apa mashaya nyaya.

* * *

Zvichakadai, Madam Boss anoti mavhidhiyo nemifananidzo iyi zvakatorwa pabhavhadhe remukoma wake, ndokuwedzera achiti, “Mhofela” ndiye anomutora mimwe yemifananidzo inokonzeresa iyi.

Anoti izvi ndizvo zvinoita kuti aite mukurumbira nekurarama.

Madam Boss anotizve vamwene vake vanomufarira zvikuru uye dzimwe nguva anotorwa mifananidzo yakadai vari vose.

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links