Siyanai nekutema miti: TMPC . . . zvinokonzera kusanduka kwekunze

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Siyanai nekutema miti:  TMPC . . . zvinokonzera kusanduka kwekunze Assistant Commisioner Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu naMuchaneta Chimuka
SANGANO rinomirira vanachiremba vechivanhu nemaporofita reTraditional Medical Practitioners Council (TMPC) rokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuparadza masango kuburikidza nekutema miti sezvo zvichikonzera gukuravhu uye nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Kutemwa kwemiti zvisina tsarukano, kunze kwegukuravhu, kunokonzera kusanduka kwemamiriro ekunze zvinoita mvura inaye yakawandisisa kana kushomeka zvichiita kuti munyika muve nematambudziko akasiyana ayo anosanganisira nzara.

Sachigaro wesangano reTMPC Sekuru Friday Chisanyu vanoti dambudziko rekudzimwa kwemagetsi ririko mazuva ano haripe mvumo yekuti vanhu vapote vachitema miti pamadiro.

Vanoti veruzhinji vanofanira kutsvaga dzimwe nzira   dzekuti vawane zvekushandisa pakubika kudzimba kwavo.

“Ndakamirira sangano reTMPC uyewo neremachiremba echivanhu uko ndinova president reZimbabwe National Practioners Association ndinoti kuruzhinji rweZimbabwe dambudziko rekudzimwa kwemagetsi nderedu tose asi hazvitipe zvitupa zvekunotema miti pamadiro. Isu semachiremba echivanhu tinozogumawo tave kushaya masango ekutema miti yatinorapisa vanhu,” vanodaro.

Vanoti vari kufamba munyika yose nenhengo dzavo dzeTMPC uyewo nedzeZINPA apo vari kuona kuparadzwa kuri kuitwa masango nevanhu izvo zvasvika padanho rakaoma zvikuru.

“Takapa chisungo kunhengo dzedu dzose kuti vave maziso enyika kuti vakangoona vanhu vari kutema miti vakurumidze kuzivisa mapurisa kana vesangano reEMA vanhu ava vasungwe. Izvi tiri kuzviita senzira yekubatsira nyika pamwechete nesu tose semachiremba echivanhu nekuti tikarega zvichiitika tinoguma tisisina mishonga yekurapisa vanhu,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti semachiremba echivanhu, vane nzvimbo dzavari kurima miti yakasiyana iyo vachazoshandisa pakuvawanisa mishonga yechivanhu munguva pfupi iri kutevera.

“Tine nzvimbo dzatakapihwa neHurumende kwakasiyana munyika muno uko tinorima miti semachiremba echivanhu, hongu magetsi ari kudzimwa nguva nenguva asi tine dzimwe nzira dzekutevedza kuti tikwanise kuwana moto ungava wekubikisa kana wekuitisa zvakasiyana, marasha ariko atiri kuona achitengeswa munzvimbo dzakasiyana nemweya wegas,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoenderera mberi vachiti, “Tine makambani atinonzwa anonzi anotengesa zvitofu zvemarasha zvinoshandisa huni shoma nemarasha mashoma izvo tinokurudzira kuti vanhu tishandise. Asi nyaya hombe ngatirambei tichidyara miti yakawanda nekuti kwese kwatinofamba tiri kusangana nedambudziko rekuti mimwe miti yedu yatinorapisa haichawanikwa ingava mihacha, mitufu, miroro nemimwe. Saka ngatizivei kuti miti haikure nemakore maviri kana rimwe, inoda nguva yakareba,” vanodaro.

Zvakadai, mumigwagwa yakadai seAirport Road unobva muHarare uchienda kuChitungwiza miti iri kutemwa zvakanyanya izvo zvave kuita kuti munhu ukwanise kuona nhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport pamwe nedzimwe dzimba unova mucherechedzo wakanga usipo makore adarika apo nyika yainge yakafukidzwa nezviwanikwa zvinokosha zvemiti yemhando yakasiyana.

Pasi pemutemo weEnvironmental Agency Act, imhosva huru kuti vanhu vawanikwe vachitema miti pasina kuwaniswa magwaro emvumo ekuita izvi.

Mukuru wemadzishe munyika Mambo Fortune Charumbira vanoti vatungamiri vose vematunhu vane bumbiro ravanopihwa neHurumende rinoita kuti vachengetedze masango mumatunhu avo.

“Nyika yapera kuva gwenga nekuchereka makoronga uyewo nzizi dzapera kuzara jecha netsika yekutema miti iyi iri kuitwa. Hatikurudziri zvachose kutemwa kwemiti semadzishe, tine zvirango zvinopihwa vanhu apo vanoendeswa kumatare emadzimambo edu votongwa zvakasimba,” vanodaro.

Assistant Commisioner Paul Nyathi vanova mutauriri wemapurisa munyika vanoti vanoyambira veruzhinji kuti imhosva huru kuwanikwa vachiparadza masango.

“Miti haibvumidzwe zvachose kutemwa imhosva pabumbiro remutemo wenyika, tiri kushanda nemamwe mapazi ose anoita nezvekuchengetedzwa kwemasango nezviwanikwa kuti tione kuti miti haisi kutemwa. Semapurisa, tiri kusunga vanhu ava vachiendeswa kumatare edzimhosva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links