‘Siyanai nekutenga mishonga yemukoto’

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
BAZI rinoona nezvekurapwa kwezvipfuyo munyika reDepartment of Livestock and Veterinary Services rinoyambira varimi kuti vasiyane netsika yekutenga mishonga yekudzivirira kana kurapa zvirwere zvakasiyana zvinobata zvipfuyo pamusika wemukoto sezvo mizhinji yacho iri yemanyepo isina zvainobatsira.

Mashoko aya akataurwa naDr Reverend Spargo (33) avo vanove chiremba anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvezvipfuyo kuchikamu cheEpidemiology and Diseases Control vachiti mishonga yezvipfuyo haitengeswe mumigwagwa asi muzvitoro zvakanyoreswa zvinozivikanwa.

“Isu senyanzvi munyaya dzezvirwere zvezvipfuyo tinoyambira varimi kuti vasatenge mishonga yezvipfuyo kuvanhu vanofamba mumigwagwa vakazvimirira sezvo paine hutsotsi hwakawanda huri kuitwa nemakoronyera kuburikidza nematambudziko ezvirwere zviri kubata zvipfuyo. Saizvozvi, mombe dziri kufa uye kune zvakawanda zviri kufamba zvichitaurwa nevanhu vachiti vanobaya mombe majekiseni echirwere chiri kuuraya mombe ichi,” vanodaro.

Vanoti chirwere chiri kuuraya mombe zvakanyanya munyika muno chinodaidzwa kunzi Theileirosis kana kuti January disease sezvo chinonyanyobata mombe munaNdira apo panenge paine zvikwekwe zvakawanda kuburikidza nekunaya kwemvura mumwedzi uyu zvinoita kuti zvikwekwe zviwandewo.

“Sezvo varimi vapererwa nekuda kwechirwere ichi, kune matsotsi ari kufamba kumaruwa, kumapurazi nemumaguta vachitaurira vanhu kuti vanokwanisa kurapa chirwere ichi. Asi isu tinoti musanyeperwe endai kunyanzvi dzedu dzeveterinary services nekuti munobirwa mari yenyu nevanhu ava,” vanodaro Dr Spargo. Vanoti kubva munaNdira gore rino kusvika Chikumi, mombe dzakafa nekuda kwechirwere ichi munyika yose dzinosvika 5 064.

“Mishonga chaiyo inorapa chirwere ichi iriko iyo ndisingagone kudoma nemazita nekuda kwemitemo yebasa. Asi tinoti varimi ngavaende kunanamazvikokota vedu kana kuzvitoro zvinotengesa mishonga vatengeserwe mishonga chaiyo kwete yemikofera kana kuti yemanyepo inogadzirwa nevanhu mudzimba dzavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>